Nhengo dzevechediki dzebato reMovement for Democratic Change makumi maviri neshanu, kusanganisira mumwe mutori wenhau, vasungwa muHarare neChina zvichitevera mhirizhonga yaitika pakati pemapurisa nevechidiki ava pavanga vachiratidzira.
Mutori wenhau asungwa ndi Shadreck Manyere uyo anga achitora mifananidzo yevanhu vanga vachifora ava.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
Vechidiki veMDC-T vanoti vaneta nemapurisa anongochengetedza bato riri kutonga reZanuPF chete vakati vanoda chikamu chevanochengetedza runyararo munyika chivandudzwe pamwe nekuti mhirizhonga iri kuitika pakati peMDC neZanu PF imiswe zvachose.
Vechidiki ava vanga vachidarika makumi matatu, uye vatangira kuratidzira paPost Office muna Julius Nyerere ndokubva vatandaniswa nemapurisa, asi vachiungana zvakare kuti varatidzire.
Mutevedzeri wemutauriri weMDC-T mudunhu reHarare, Muzvare Bridget Nyandoro, vanoti vacharamba vachiratidzira kudzamara zvinhu zvanaka.
Muzvare Nyandoro vati vanoshamiswa nekuita kwemapurisa ayo anogara achivasunga kana vachiratidza kunyunyuta kwavo.
Munyori mudunhu reHarare, VaDenford Ngadziore, vanoti kunyange mapurisa akavasunga, vacharamba vachinyunyuta kusvika mhirizhonga yapera
Kusungwa kwevanhu hakutitadzise kuti tienderere mberi semusangano weMDC muHarare kuti tizvisinungure uye kuti mhirizhonga ipere muharare]
Mhirizhonga pakati peMDC neZanu PF iri kuramba ichiwedzera vebato reMDC vachiti mapurisa ari kuita rusarura sezvo akarerekera kubato riri kutonga reZanuPF.
Mutauriri wesangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights, Va Kumbirai Mafunda, vati vechidiki vasungwa nemapurisa ava vari kumirirwa nesangano ravo.