Vange vari nhengo yekomiti yepamusoro muZapu, Va Lloyd Masirarambi nevamwe vanga vari kuMDC Renewal Team, vabatana neMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai zvichitevera kurudziro yaVa Tsvangirai yekuti mapato anopikisana ne Zanu PF ashande pamwe chete.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi
Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau mu Harare, Va Tsvangirai vazivisa kuti Va Masirarambi, avo vanga vari munyori anoona nezvehupfumi mubato reZapu, vaimbova meya wedhorobha reChegutu, Va Blessing Dhlakama, pamwe naVa Biggie Haurovi, avo vakanga vave kushanda vari ku MDC Renewal Team, vave nhengo dze MDC-T.
Va Tsvangirai vakurudzira vamwe vasati vauya kubato ravo kuti vauye vaite mushandirapamwe vakanangana negadziriro dzesarudzo dzemuna 2018.
Va Haurovi, avo vanga vari nhengo yepurovhinzi kuMasholand West mu MDC Renewal Team, iyoyakapatsanuka kubva mu MDC-T gore rapera, vatsinhira zvataurwa naVa Tsvangirai izvi.
Va Masirirambi, avo vatakurana naAmai Laura Makuzva, avo vanga vari munyori anowona nezvevashandi mu Zapu kuenda ku MDCT, vati vawona zvakakodzera kuti vabatane naVa Tsvangirai vachiti MDC-T ndiro bato rega riri kutarisirwa neveruzhinji kuti rigadzirise zviri kunetsa munyika.
Zvichakadai, mutevedzeri wemutungamiri we Zapu, Amai Emilia Mukaratirwa, vati havana chavanokwanisa kutaura nekuenda kwaita Va Masarirambi naAmai Makuzva ku MDCT vachiti havasati vatambira tsamba dzekuti Va Masarirambi naAmai Makuzva havasisiri nhengo dzebato ravo.
Hatina kukwanisa kubata mutauriri weMDC Renewal Team, Va Jacob Mafume, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Va Tsvangirai vari kurudzira kuti mapato anopikisa aite mushandirapamwe pamberi pesarudzo dzemuna 2018.
Mune imwewo nyaya, MDC-T yaburitsa mashoko ekuti makanzuru ndiwo anofanirwa kusiiwa achigadzirisa nyaya dzevanhu vanotengesera mumigwagwa sezvo bumbiro idzva remitemo yenyika rave kupa masimba kumakanzura ekuti atonge zvisina kupindira kwakanyanya kwebazi rinowona nezvinoitika mumatunhu.
MDC-T inoti haisi kuzotambira zviri kutaurwa nehurumende kuti vanotengesera mumigwagwa ava vabviswe sezvo kusiri kuda kwavo kutengesera mumigwagwa asi kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.
Mumwe wevanotengesera mumigwa yemu Harare, Va Herbert Zaranyika, vati havasi kuzobva mumigwagwa kana pasina hurongwa hwakati tsvikiti hunoita kuti vanotengesera mumigwagwa vakwanise kuraramisawo mhuri dzavo kubudikidza nekutengesa vari munzvimbo dzakanaka.
Hatina kukwanisa kunzwa kugurukota rinowona nezvematunhu, Va Ignatious Chombo, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha.
Mune imwewo nyaya, kanzuru ye Harare yaburitsa mashoko ekuti vagari vemu Harare yose vachange vasina mvura kwemazuva maviri kubva musi weChishanu kusvikira musi weMugovera zvichitevera kugadzirwa kuchange kuchiitwa nzvimbo yekuchenesa mvura ye Morton Jaffray Water Works.
Kanzuru inoti kugadzirwa kuchange kuchiitwa michina iyi kuchawedzera kubuda kwemvura mudzipombi pamwe nekuti vanhu vagare vaine mvura nguva nenguva sezvo michina iyi yave yekare