Basa Rowandirwa Vanhukadzi kuMasvingo

zimbabwe women

Madzimai ekuMasvingo anoti zvinhu zviri kuvaomera zvikuru mumabasa avanoita mudzimba kudarika mabasa anoitwawo nevanhurume.

Madzimai aya anoti izvi zviri kukonzerwa nekanzuru yeMasvingo iyo vanoti iri kutadza kuita mabasa ayo sezvinotarisirwa neveruzhinji.

Muzvare Grace Matopodzi vanogara muguta reMasvingo. Muzvare Matopodzi vanoti vanomuka runyanhiriri vakananga kupombi yemvura yekushandisa mumba.

Vanosvikovhura pombi vakatarisira kuti mvura ichabuda. Asi semamwe mazuva, hapana chinobuda.

Muzvare Matopodzi vanobva vasiya vavhara tepi yemumba mavo, vononga migomo yavo vachibuda panze.

Mushure mekuvhara gonhi, vanobva vatanga rwendo murima rwemakiromita mana kundochera mvura kuchibhorani uko vanosvika vachipinda mumutsetse mukuru sezvo mamwe madzimai emumusha weMucheke anenge avatangira kusvika pachibhorani.

Kunogona kupera awa vari mumutsetse kuti vakwanise kuchera mvura vodzokera kumba, uko vanotanga zvakare kutsvaira ruvanze mushure mekuvesa moto kuti vabikire vana nemurume kudya kwemangwanani, pamwe nechikafu chavanotakura.

Uhwu ndihwo hupenyu huri kurarama madzimai ekuMasvingo kusanganisira Muzvare Matopodzi.

Madzimai aya haasi kuwana nguva inovakwanira yekurara kuti vazorore nenyaya yekunetseka kuri kuita kanzuru yavo mukuvapa zvikwanisiro zvakakwana muguta kuitira kuti vanhu vararame zvakanaka.

Mumwe wemadzimai aya, Amai Lucia Masekesa, avo vanogara muRujeko, vanoti ivo havana nguva yekuzorora nenyaya yekushaikwa kwezvikwanisiro kubva kukanzuru pamwe nekushomeka kwemvura yemupombi.

Amai Masekesa vanoti imwe nyaya iri kuvashungurudza semadzimai inyaya yezvipatara zvekanzuru izvo zvisisina mishonga nezvimwewo sezvo kushaikwa kwemvura, zvirwere zvinoputika zvinowanda.

Vanoti nguva dzavanomuka dzinorwadza apo varume vazhinji vanenge vakavata vakamirira kuti vakadzi vaite basa rose sezvinotarisirwa mutsika dzechivanhu.

Muzvare Rosina Gutu wekwaMajange vanotiwo kushaikwa kwemagetsi kuri kuvabvisa chiri kumeso uye vari kuomerwa semudzimai anoenda kubasa sezvo vachimanikidzwa kumuka nguva isingaiti kuitira kuti vavese moto vabikire vana vechikoro pamwe nababa, ivo vozoenda kunoshanda.

Muzvare Gutu vanoti vanoswera vari kubasa vachitengesa mumigwagwa yepakati pedhorobha apo pavanenge vakamira zuva rose uye vachitarisa mapurisa ekanzuru ayo anovasunga kana akavabata.

Izvi zvinoita kuti vaswere vachitandaniswa nemapurisa ekanzuru zova rose, vozoenda kumba vaneta.

Muzvare Tsitsi Mushangwe vanogara mumusha we Runyararo West. Muzvare Mushangwe vanoti vanorwadzwa nenyaya yekusatakurwa kwemarara anenge ari mumabhini avo, sezvo marara aya achitakurwa usiku uye pasina kutarwa zuva raanotakurwa.

Muzvare Mushangwe vanoti pose pavanonzwa ruzha rwemotokari yemarara husiku, vanomuka kuti vanoisa marara pamucheto pemugwagwa, kuitira kuti atakurwe.

Meya weguta reMasvingo, Va Hubert Fidze, kunyange vasina kubatika kuti vatsanangure kuti kanzuru iri kuziva here kuomesera kwairi kuita madzimai mukurarama kwavo, vakati dambudziko remvura rinotarisirwa kupera mugore ra 2019.

Vachitaura pamusangano wemashandisirwo emari yeguta masvondo maviri apfuura, Va Fidze vakati kanzuru iri kutadza kupa vagari mvura yakakwana nekuti vanhu vawandisa mudhorobha.

Asi vakati mishina inopomba mvura kudhamu reMutirikwi ichawedzerwa sezvo kanzuru yakapihwa neChina chikwereti chemari inosvika mamirioni makumi matanhatu emadhora. Vakati izvi zvichaita kuti patange chirongwa chekuvaka mishina gore rinouya chichizopera mugore ra2019.

Asi vanomiririra kodzero dzevagari mudhrobha reMasvingo, ve Masvingo United Residents and Rate Payers Association, kana kuti Murra, vanoti vari kukurudzira kanzuru kuti igadzirise kufambisa kwebasa kuitira vanhu vawane zvakakwana uye madzimai asarambe ari pamatambudziko.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa muMurra, Va Anoziva Muguti, vanoti kodzero dzemadzimai dzava kumbunyikidzwa sezvo vari kutambura uye vazhinji vavo vave kubatwa chibharo pavanomuka husiku kundochera mvura.

Sezvo dambudziko iri riri kuramba richiremera vanhukadzi, madzimai ekuMasvingo anoti acharamba achirota manyakare apo mvura yainge isinganetsi, magetsi achiwanikwa nguva dzose, ukuwo marara achitakurwa musi wese unenge wakatarwa nekanzuru.