HARARE —
Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru mu MDC-T uye varivo gurukota rinowona nezvemakambani pamwe nekutengeserana muhurumende yeparutivi ye MDC-T, Va Tapiwa Mashakada, vanoti chirongwa chehurumende chekuendesa hupfumi kuvatema chairi kuda kuvandudza chichatadzisa vekunze vanoda kusima mari muno kuti vasime mari dzavo mu Zimbabwe.
Vachitaura nevatori venhau pamusangano wavaita neChina, Va Mashakada vati ongororo yavo yemavandudzirwo ari kuda kuitwa mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema yakaburitsa pachena kuti hurumende ndiyo inenge iriyo ine zvikamu zvese mumakambani kunyange vekunze vakaisa mari yavo mukambani aya.
Pari zvino, mutemo unosungira kuti vekunze vave nezvikamu makumi mana nezvipfumbamwe chete kubva muzana mumakambani.
Va Mashakada vati zviri kuitwa nehurumende izvi zvinoratidza kuti hurumende yapererwa nemazano vachiti hurumende iri kuita mutemarege pazvirongwa zvayo zvose zvavati hazvina chazviri kubatsira muhupfumi hwenyika.
Hurumende inoti iri kuda kuvandudza mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema kuitira kuti igogovana mari yezvinenge zvatengeswa kana vekunze vakasima mari yavo mumabhizimusi avo.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, kanawo gurukota rezvekuendesa hupfumi kuvatema, VaFrancis Nhema, kuti vanoti kudii pamashoko aVaMashakada.
Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti vekunze havasi kuda kusima mari yavo muZimbabwe nepamusana pemutemo wekuendesa hupfumi kuvatema wadzinoti hauchengetedzi zvido zvevanhu ava.