Vakawanda Votadza Kutora Mari Dzavo kuMabhanga

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Dambudziko remari rinonzi ratekeshera munyika umo vamwe vagari vemunharaunda dzakasiyana siyana vapihwa mari shoma kana kutotadza kutora mari dzavo mumamwe mabhanga.

Zvinonzi vanhu vazhinji vaswera vakamira pamabhanga mumitsetse vachida kutora mari dzavo.

Vamwe vagari vemuBulawayo vanoti bhanga re Kingdom range richipa vanhu mazana maviri nemakumi mashanu emadhora pamunhu wega wega uye michina yema ATM mizhinji inoshandisa ZimSwitch yange isina mari.

Vamwe varairidzi vepa Plumtree High School kuPlumtree vanonzi vapihwa mavhocha emadhora zana kuitira kuti vatenge zvekudya muzvitoro zvemunzvimbo iyi.

Asi vamwe vanonzi varamba kutambira izvi vachiti vanoda kupihwa mari dzavo vodzishandisa pazvinhu zvanoda kutenga.

Vaimbove mukuru we Employers Confederation of Zimbabwe Industries, Va John Mufakari, vanoti dambudziko rekushaikwa kwemari riri kuramba rakadzika midzi munyika.

Vanotiwo pane zvakawanda zvinofanirwa kuitwa mukugadzirisa dambudziko iri.


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa John Mufukari