HARARE —
Mutungamiri we Mavambo Kusile Dawn, MKD, Va Simba Makoni, vanoti vari kuda kuti mapato ose ezvematongerwo enyika aite mushandira pamwe musarudzo dzinotevera vachiti vatungamiri vese vanofanira kunge vari mumubatanidzwa uyu, kwete kuita rusarura.
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo mu Harare neChitatu, mutungamiri we MKD, Va Simba Makoni, vati vakazvipira kupinda mumushandira pamwe wemapato ezvematongerwo enyika anoda kuti munyika muve nehutongi hwejekerere. Va Makoni vati vanoda kushanda pamwe chete nevatungamiri vemapato ese ezvematongerwo enyika.
Mashoko aVa Makoni aya anopesana neemutungamiri werimwe boka re MDC, Va Welshman Ncube, avo vanoti havasi kuzobvuma kupinda mumushandira pamwe unenge une mutungamiri we MDCT, Va Morgan Tsvangirai, mukati.
Va Ncube vanoti havakwanise kushanda naVa Tsvangirai vachivapomera mhosva yekutyora bumbiro remitemo rebato ravo pamwe nekushandisa mhirizhiong.
Asi Va Tsvangirai vanoramba mashoko aVaNcube vachiti VaNcube munhu aifunga kuti ane vatsigiri vakawanda, izvo zvakaita kuti vakare masimba.
Va Makoni vati vakataura naVa Tsvangira pamwe nemunyori mukuru mubato iri uyo akadzingwa mu MDCT, Va Tendai Biti. Va Makoni vanoti vakaudza vaviri ava kuti zvose zvavari kuita hazvivake musangano wavo uye hazvienderane nekurwira hutongi hwejekerere munyika.
Va Biti vakabudawo pachena kuti zvava kutoda mushandira pamwe wemapato ezvematongerwo enyika wavari kudaidza kuti United Democratic Front kuti vakunde Zanu PF musarudzo. Nekune rumwe rutivi, Va Tsvangirai vari kurudzira mapato ese ezvematongerwo enyika kuti aitewo mushandirapamwe nebato ravo.
Mutungamiri we Zapu, Va Dumiso Dabengwa, pamwe nemutungamiri we Democratic Party, Va Urayayi Zembe, vakabudawo pachena vachiti vari kuda kuti mushandira pamwe wemapato uyu uumbwe.