Willard Mashinkila Khumalo Anoradzikwa kuLady Stanley muBulawayo

  • Taurai Shava

Willard Khumalo Burial

Zviuru nezviuru zvevanhu vanosanganisira vatambi vebhora vakare nevanhasi, hama neshamwari pamwe neveruzhinji vaungana muBulawayo nhasi pakuvigwa kwemutambo webhora akaita mukurumbira munyika, Willard Khumalo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Taurai Shava

Vachitaura panguva yenhoroondo nemunamato paMacdonald Hall, munin’ina waWillard, Va Brian Mashinkila Khumalo, avo vataura vakamirira mhuri, vati mushakabvu aive munhu ane rudo kuhama neshamwari uye ari munhu aizvininipisa zvisinei kuti aive munhu ane mukurumbira.

VaKhumalo vati zvinhu zvinorwadza ivo nevamwe vemhuri kuti Willard haana kuwana mari kana mugove wakafanira kubva muhupenyu hwake hwekutamba pamwe nekurairidza nhabvu zvisinei kuti mutambo uyu waive pamoyo pake.

Shamwari dzaWillard variwo vatambi vebhora vakaita mukurumbira, Rahman Gumbo, naMadinda Ndlovu, varumbidzawo mufi nekugona kwake bhora uye nehunhu hwake.

Munyori weZimbabwe Footballers Unoion, uye vakatambawo naWillard muchikwata chakaita mukurumbira icho chaizikanwa nerekunzi Dream Team, VaPaul Gundani, vati zvakakosha kuti vatambi vebhora kunyanya vane mukurumbira saWillard, vawane mugove unovafanira pavanenge vachiita basa ravo rekufadza vateveri venhabvu.

Nhengo yeZimbabwe Football Association, Zifa, VaBenedict Moyo, vaudza Studio7 kuti vanotsigira kugunun’una pamusoro pemabatirwo anoita vatambi venahnbu vachiti zvakakosha kuti hurumende pamwe neZifa zviise misoro pamwe chete kugadzirisa zviri kunetsa munyaya dzenhabvu.

Moses Chunga, uyo akatamba muNational Team naWillard, atiwo mushakabvu aive munhu ane hunhu kunyange chikwata chake chikakunda kana kukundwa. Chunga atiwo Willard aive nerudo asina rusarura rwekuti munhu muShona here kana muNdebele.

Chunga akurudzira hurumende kuti itore matanho ekusimudzira zvemitambo kunyanya nhabvu kuitira kuti vatambi vawane mugove wakafanira

Mushure mekupa nhoroondo nemunamato, mutumbi waWillard wazotakurwa uchipfuura nemunhandare yeBabourfields ndokuzonovigwa kuLady Stanley Cemetery uko kunove kwakavigwavo vamwe vake vana Benjamin Konjera, Mercedes Sibanda, naAdam Ndlovu.

Vamwe vatsigiri veHighlanders vataura neStudio7 vati nyika pamwe nechikwata chavo zvarasikirwa zvikuru nekushaya kwaWillard sezvo vange vachitarisira kuti achashandisa hunyanzvi hwake mukuyedza kusimudzira chikwata ichi.

Willard akashaya nemusi weMugovera mushure mekurwara kwenguva yakareba nechirwere cheshuga. Ange ave nemakore makumi mana nemanomwe, uye asiya mudzimai navana.