VaUhuru Kenyatta Votungamira Musarudzo kuKenya

  • Blessing Zulu

VaUhuru Kenyatta

Zviri kubuda musarudzo dzemuKenya zvinoratidza kuti mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaUhuru Kenyatta, vari kutungamira pari zvino.

Zvichitevera kuverengwa kwemavhoti anosvika zvikamu makumi mana kubva muzana, VaKenyatta vari kutungamira pamberi pemumwe wavari kukwikwidzana naye, mutungamiri wehurumende, VaRaila Odinga, nezvikamu gumi nechimwe kubva muzana. VaKenyatta vava nezvikamu makumi mashanu nezvitatu kubva muzana, ukuwo VaOdinga vaine zvikamu makumi mana nezviviri kubva muzana mumavhoti zvikamu makumi mana kubva muzana averengwa.

Sangano rinoona nezvesarudzo muKenya rinoti mabharoti anodarika mazana matatu ezviuru haana kutambirwa.

Vanhu vanosvika mamiriyoni gumi nemana vakanyoresa kuvhota muKenya.

Vari kuongorora sarudzo idzi vanoti panenge pachaitwa sarudzo yepiri yemutungamiri wenyika, presidential run-off, nekuti panogona kutadza kubuda anokunda zvine mutsindo musarudzo.

Kana pakashaya anopfuura zvikamu makumi mashanu kubva muzana, panoitwa sarudzo dzepiri muna Kubvumbi.

Vanhu gumi nevatatu pamwe nemapurisa manomwe vanonzi vakafa mumhirizhonga yakaitika neMuvhuro muKenya. Vekunze vakawanda, kusanganisawo zvizvarwa zveZimbabwe, vari kuongorora sarudzo dzemuKenya.

Vanotungamira mabasa eAfricaTrust muZimbabwe, VaBriggs Bomba, vanoti Kenya yakaita gadziriro yakanaka yesarudzo idzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBriggs Bomba