Zvikwata Gumi Zvoita Mangange Mukupera kweSvondo

  • Michael Kariati

Dynamos yadzikira pamamiriro akaita zvikwata zviri mumakwikwi eCastle Lager Premier Soccer League zvichitevera mitambo yakawanda yakapera ari mangange ega ega.

Mitambo mishanu yakapera iri mangange 0-0 panguva iyo Dynamos yakadzikira pa log ye Castle Lager Premier Soccer League mushure mekuita mangange 0-0 neHwange muRufaro Stadium neSvondo.

Hwange yaifanira kuve yakakunda mumutambo uyu asi yakatadza kushandisa mikana yakawandisa yayakawana kusanganisa kurovera pamapango epagedhe katatu.

Dynamos yadzikira zvekuti yava pasi peChicken Inn, Triangle neHow Mine.

Chicken Inn, iyo yakaitawo mangange 0-0 zvekare neHow Mine, yave nemapoinzi makumi matatu poindi imwe chete pamusoro peTriangle neHow Mine.

Dynamos yacho yave nemaponzi makumi maviri nemasere.

Mukuru wekambani yeDynamos TV, VaEmmanuel Matsinya, vanoti kusatamba zvakanaka kuri kuita chikwata ichi kuri kukanganisa zvikuru kutengwa kweDVD rechikwata ichi.

Vakambotambira chikwata ichi, VaBrighton Tuwaya, vanotiwo matambiro ari kuita deMbare haafadze, uye inofanira kugadzirisa zvinhu nguva ichiripo.

Asi VaMatsinya vanofunga kuti kunyange zvakadai Dynamos ichatora chete mukombe weCastle Lager Premier Soccer League uyu kechishanu kakateverana.

Asi chikwata chiri kushura mare ndeche How Mine icho chave pachinhanho chechitatu mushure mekurova Buffaloes 1-0.

Mimwe mitambo yemuCastle Lager Premier Socer League yakapera seizvi.

Chicken Inn 0, Caps United 0.

Harare City 2, Flame Lilly 2.

FC Platinum 2, Chapungu 0.

Triangle 0, Highlanders 0.

Whawha 0, Dongo 0.

Mumutambo wekumhanya, Kelvin Pangiso, ndiye akatora mukombe weTanganda Half marathon kwaMutare nezuro mushure mekubuda ari pamberi paWirimai Juwao neKenishias Navara.

Pangiso akawana mari inoita iyi madhora mazana mashanu nemakumi mashanu.

Mari imwe cheteyo ndiyo yakatambidzwa Rutendo Nyahora uyo akaunda vanhukadzi mushure mekusiya Patience Murowe naFaith Nyasango.

Mumutambo wekiriketi, Zimbabwe yakakundwa mumitambo mitatu yezuva rimwe mushure mekurohwa neIndia nemaranzi makumi matanhatu nemaviri neSvondo.

Kukundwa muHarare Sports Club uku kwakatevera kurohwa kwakaitwa chikwata chenyika nemaranzi mana mumutambo wekutanga.

Mutambo wasara uriko beChipiri hauna kunyanyokosha kudarika miviri yakatambwa.