Zimbabwe Independent yakaburitsa mashoko masvondo maviri adarika ekuti MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai iri kuita nhaurirano dzemuchivande nevakuru vakuru vamuchiuto nemapurisa nechinangwa chekuti vavasimbise kuti havasi kuzodzingwa mabasa kana Va Tsvangirai vachinge vakunda musarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino muzuva risati ratarwa.
Bepanhau iri rinoti munyori anowona nezvekuchengetedzeka kwenyika muMDC-T, Va Giles Mutsekwa, vakaita musangano nemukuru wemauto, VaConstantine Chiwenga, nevamwe vavo VaMartin Chedondo pamwe naVaDouglas Nyikayaramba nechinangwa chekunyengetedza vakuru vakuru vemuchiuto ava kuti vasapidigure Va Tsvangirai kana vachinge vakunda mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, musarudzo dzegore rino.
Hatina kukwanisa kutaura naVa Mutsekwa, avo vanove zvakare gurukota rezvekuvakwa kwedzimba, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Asi Va Chiwenga vari kuramba mashoko akaburitswa nebepanhau iri vachiti hapana musangano wavakaita naVa Mutsekwa uye hapana tarisiro yekuti vachasangana chero nani zvake muMDC-T kusanganisira Va Tsvangirai nezvenyaya iyi.
Vamwe vakuru vemuchiuto vakaita saVaNyikayaramba naVa Chedondo vakabuda pachena kuti havasi kuzosaruta Va Tsvangirai kunyange vakakunda musarudzo.
Gurukota rezvemitemo, Va Patrick Chinamasa, vanoti hapana chakaipa kuti vakuru vemauto nemapurisa vapindire munyaya dzezvematongerwo enyika.
Nyaya yemashandiro evakuru vemauto nemapurisa inyaya iri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa pamberi pesarudzo dzegore rino. MDC-T yakatosvitsa nyaya iyi kusangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kwe Africa kuitira kuti igadziriswe.
Asi vamwe vari mu Zanu PF vakaita saVa Chinamasa pamwe negurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vanoti hapana chichachinja kana kutauriranwa panyaya yemashandiro evari muchiuto nemuchipurisa.