Shamwari dzevanhu vekuPalestine muZimbabwe pasi pesangano reFriends of Palestine Solidarity Movement in Zimbabwe dzapinda mumigwagwa neChitatu dzichitsutsumwa kupondwa kuri kuitwa zvizvarwa zvenyika iyi nemauto ekuIsrael.
Sachigaro wesangano iri, Va Tawanda Makore, vati Zimbabwe inofanira kushora zviri kuitwa neIsrael. Vatiwo Zimbabwe inofanirwa kudzika mumiriri weIsrael muZimbabwe kana hondo iyi isina kumiswa.
Paita kurwisana zvakare neChitatu muguta re Khan Younis mu Gaza umo vanhu vanomwe vemu Palestine vaurayiwa.
Vakuru vezvehutano vanoti vanhu vafa muGaza neChitatu vanosvika gumi nevasere. Ukuwo mauto maviri emuIsrael akaurayiwa manheru eChipiri muguta reKhan Younis.
Kufa kwevanhu uku kunoitika apo gurukota rinoona nezvekunze kwe America, VaJohn Kerry, vapinda muIsrael. VaKerry vanoti vari kutungamira munhaurirano dzekupedza kurwisana pakati pe Israel neHamas vafambisa zvine hudzamu nhaurirano idzo kuti pave nerunyararo.
VaKerry vari kutarisirwa kusangana nemutungamiri wehurumende yeIsrael, VaBenjamin Netanyau, pamwe nemutungamiri we Palestine, Va Mahmoud Abbas.
VaMakore vatiwo sangano remubatanidzwa wenyika dzepasi rose, United Nations, rinofanirwa kupindira muhondo iyi nekuona kuti Israel yamisa kuuraya zvizvarwa zvePalestine.
Munyori mukuru weUnited Nations, VaBan Ki moon, vasangana neChitatu nemutungamiri weIsrael, VaShimon Peres, vakati semunyori mukuru we United Nations, havasi kuzonyarara zvinhu zvakadai zvichitora hupenyu hwevanhu. Vatiwo vanochema kufa kwevanhu vasina mhosva muGaza. Vati mhirizhonga iyi inofanirwa kupera zvachose, vanhu votaurirana.
Vanhu vemuPalestine vanodarika mazana matanhatu nemakumi matatu vafa muPalestine kubva pakatanga hondo iyi, ukuwo mauto emu Israel makumi maviri nemapfumbamwe, pamwe nevanhuwo zvavo vaviri, vafa mukurwisana uku kusvika pari zvino.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Irwin Chifera