Human Rights Watch Yoshushikana neMabatirwo Ari Kuitwa Vabvakure muSouth Africa

Dewa Mavhinga

Sangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica rinoti harisi kufara nemabatirwo ari kuitwa zvizvarwa zvisiri zvemuSouth Africa kana zvichinge zvarwara zviri munyika iyi.

Izvi zviri mugwaro yeongororo yakaitwa nesangano iri.

Vachitaura neStudio 7 mushure meongororo yakaitwa nesangano ravo, mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vati zviri kuitwa nezvipatara pamwe nemakiriniki ehurumende yeSouth Africa zvekuramba kurapa vabvakure, hazvisi pamutemo.

VaMavinga vati muitiro wakadai unogona kuramba uchiendera mberi kana hurumende yeSouth Africa ikasatora matanho nekuchimbidza.

VaMavhinga vati matare edzimhosva emuSouth Africa akapa mutongo wekuti hapana chipatara chinofanirwa kuramba kurapa murwere nekuda kwekuti haana magwaro ekugara munyika, kana kuti haana mari.

Kune vanhu vakawanda vekune dzimwe nyika vanogara muSouth Africa vanosanganisira zvizvarwa zveZimbabwe vanoti vari kutarisana nedambudziko iri muzvipatara nemakiriniki ari mudunhu reGauteng.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chakasangana nedambudziko iri, ndiVaKeith Mashayamombe, avo vanobva muChipadze kuBindura. VaMashayamombe vanoti havana kubatwa zvakanaka pavakaenda kunorapwa.

Studio 7 yatumira mibvunzo kumutauriri webazi rezvehutano mudunhu reGauteng, Va Kwana Kekana, asi haina kuwana mhinduro kubva kwavari apo taenda pamhepo.

Nyunyuto yesangano reHuman Rights Watch, inouya panguwa iyo zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara mudunhu reGauteng, zviri kuchemawo nekukwira kuri kuita mari yekuona vana chiremba vakazvimiririra, pamwe neyekutenga mishonga.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinobva kuGokwe, VaPhillip Magidi, vati vanhu vakawanda havakwanise kubhadhara mari iyi, nekuda kwekuti vakaomerwa nehupenyu panguva ino yechirwere che Covid-19.

Dambudziko revabvakure riri kuitika muGauteng panguva iyo vanhu vanodarika zviuru gumi nezvisere, kana kuti 18,000 vafa nechirwere cheCovid-19 muSouth Africa yose.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Moreblessing Munjoma