Highlanders ne How Mine Zvotsvukisana muMbada Diamonds Cup neMugovera

  • Michael Kariati

Highlanders

KuBarbourfields Stadium kuchange kuchidaidzwa asingwanzi neMugovera apo Highlanders ichakweshana ne How Mine mumakwikwi eMbada Diamonds Cup.

Mutambo uyu ndiwo wekupedzisira pamwaka wenhabvu gore rino.

Makundano aya, ayo ane miriyoni yemadhora, akatorwa neDyanamos makore maviri adarika. Asi mangwana zita idzva richanyorwa pamukombe uyu.

Kunyange hazvo uyu uri mutambo mutsva kwavari, murairidzi weHow Mine, Pilani Ncube, anoti haasi kuona chikwata chake chichikundwa neHighlanders.

Vari kupa mari mumakundano aya, veMbada Diamonds, vari kufara zvikuru nekuuya kuri kuita vanhu kumitambo yavo nenyaya yemubhadharo wedhora rimwe chete.

Mukuru wekumahofisi ekambani iyi, VaGeorge Manyaya, vari kuti pamberi nedhora rimwe chete kuvatsigiri venhabvu.

Asi mumwe mutsigiri weHighlanders ari kuda kuzikanwa zvikuru achibuda panhepfenyuro ino, VaAgripa Nyoni, vanoti H’langa bosso ndiyo ichatora mukombe.

Kunyange hazvo zvakaoma kutaura chikwata chichakunda pamutambo uyu, kana tichitarisa matambiro akaita zvikwata zviviri izvi, zviri kuratidza kuti How Mine iri pamberi peHighlanders.

Asi tichitarisawo matambiro anga achiita zvikwata izvi mumitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yave kupera, zviri kuratidza kuti Highlanders yanga ichitamba zvinonwisa mvura gore rino.

Vachakunda mumutambo uyu vachawana mari yakawandisa kudarika makwikwi ese enhabvu muZimbabwe apo vachapihwa mari inoita zana nemakumi matatu ezviuru zvemadhora.

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League anopa chikwata chinokunda zviuru makumi manomwe zvemdhora chete.