Sangano reEnvironmental Management Agency, EMA, riri kukurudzira kuti paumbwe mutemo unorambidza kushandiswa kwemapepa anoisirwa chikafu kana kuti ma kaylites senzira yekuedza kuchenesa guta re Harare.
Kutadza kuri kuita kanzuru yeHarare kugara yakachenesa guta iri nguva nenguva kuri kukonzera kuti ve EMA vanyunyute zvikuru nekuwanda kuri kuramba kuchiita marara izvo zvinonzi nesangano iri zvinogona kukonzera kunyuka kwezvirwere.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi
Vanowona nezvekuburitswa kwemashoko musangano re EMA, Va Liberty Mugadza, vanoti pave nekubvumirana pakati pesangano ravo nevemakambani anoshandisa ma kaylites nema plastic anoshandiswa mukutakurira chikafu kuti ma kaylites ambomira kushandiswa senzira yekuedza kuchengetedza hutsanana.
Va Cosmas Mudzingwa avo vanoshanda neimwe kambani inoita zvekunatsurudza zvinhu zvakamboshandiswa kuti zvigoshandiswa zvakare, vanoti vanobvumirana neveEMA kuti ma kaylites arambidzwe kushandiswa vachiti haakwanise kushandiswa kanodarika kamwe chete.
Va Mudzingwa vanotiwo kutakura ma kaylites chinhu chinonetsa zvikuru nepamusana pekuti anongoraswa nevanhu pese-pese zvinoita kuti ma kaylites aya ange asiri panzvimbo imwe chete.
Va Jameson Muchakata avo vane chitoro chinotengesa chikafu pakati pedhorobha re Harare uye vachishanda zvakare munyaya dzezvehutano vanoti vanobvumirana nepfungwa dzekuti ma kaylites arambidzwe kushandiswa vachiti ma kaylites aya akaramba achishandiswa, anogona kukanganisa hutano hwevanhu vazhinji pamwe nekukonzera kuvharika kwepombi dzinofambisa mvura muguta.
VaMuchakata vanoti ma kaylites aya anofanirwa kuchengetwa munzvimbo dzakakodzera kana achinge ashandiswa vachiti kupisa ma kaylites aya kunogona kukonzera zvirwere zvakawanda zvakaita sechirwere chegomarara.
Mukuru wekambani ye Interfresh, Va Tawanda Rukuni, vanokurudzira vanoshandisa ma kaylites mukurongedzera chikafu kuti vashande pamwe chete nekanzuru pamwe neveEMA mukuona kuti ma kaylites aya arasirwa munzvimbo kwadzo zvinoita kuti guta rigare rakachena.
Zvichakadai, mutungamiri wesangano re Passengers Association of Zimbabwe, Va Tafadzwa George Goliati, vanoti kunyange hazvo vanhu vanofamba nemakombi vari ivo vanowanzorasa ma kaylites aya pese-pese pavanenge vachifamba, kurambidza vanhu kushandisa ma kaylites aya kunogona kutadzisa vanhu vakawanda kuwana cheuviri sezvo vanhu vazhinji vave kuita mabhizimusi ekubika kuti vakwanise kuraramisa mhuri dzavo.
Va Goliati vanoti vanhu vakawanda vave kushandisa ma kaylites senzira yakachipa uye ine hutsanana mukurongedzera chikafu.
Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wekanzuru ye harare, Va Michale Chideme, kuti tinzwe divi rekanzuru yavo panyaya iyi.
Asi mumwe kanzura mukanzuru iyi, Va Hummy Mudzingwa, vanoti zvakanaka chose kuti vanopinza ma kaylites munyika vabhadhariswe mitero yakakura kwazvo asi mari iyi inofanirwa kushandiswa zvakanangana nekuchenesa guta re Harare.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti kuwanda kwakanga kwakaita tsvina munzvimbo dzakawanda munyika ndiko kwakakonzera kupararira kwechirwere chekorera icho chakauraya vanhu vanodarika zviuru zvina munyika mumakore mashoma adarika.