Kanzuru yeHarare Yodaidza Kambani Inoferefeta Nyaya dzeMari

manyenyeni

Meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti kambani yavana mazvikokota vanoongorora mafambisirwo emari yatanga kupenengura mashandisirwo ari kuitwa mari mukanzuru yeHarare uye mabatirwo emabasa mukanzuru iyi.

Izvi zvinotevera kurudziro yakaitwa mwedzi wapera nekanzuru yeHarare yekuti izvi zviitwe mushure mekubudawo kwemashoko ekuti vakuru vemukanzuru, kusanganisira munyori weguta, VaTendai Mahachi, vaizvitambirisa mari dzakawanda uku kanzuru ichitadza kuchenesa guta pamwe nekutadza kuwanira vanhu mvura yakachena.

VaMahachi vanonzi vari kurambawo kupa VaManyenyeni mapepa ekuti ivo nevamwe vakuru vekanzuru vari kutambira mari yakawanda zvakadii.

Hatina kukwanisa kubata VaMahachi kuti tinzwe divi ravo sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.

VaManyenyeni vanoti panopera ongororo iyi vanenge voziya gwara rekutora panyaya yemafambisirwo ezvinhu mukanzuru.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBernard Manyenyeni