Gwaro reHuman Rights Watch Rokonzera Mutauro kuTokwe-Mukosi

  • Blessing Zulu

Kamba yeChingwizi

Rimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu rinoti hurumende yakaita chikiribidi pamafashamu emvura emudhamu reTokwe Mukosi senzira yekutyisidzira vanhu kuti vabve munzvimbo iyi zvechimbi chimbi.

Human Rights Watch, HRW, iyo ine mukurumbira pasi rose munyaya dzekurwira kodzero yevanhu inoti hurumende yeZimbabwe yakashandisa manyepo ekuti dhamu iri rava kuda kutsemuka kuitira kuti vanhu vatize munzvimbo iyi vachityira hupenyu hwavo.

Mugwaro raro raraburitsa neChina, HRW inoti tsvakiridzo yayakaita yakaratidza kuti hurumende yakavhara mikova yemvura yepamudhuri wedhamu iri kuitira kuti rizare sezvo mvura yainaya zvakasimba, asi isingabudi mudhamu iri nepamikova yaro kuti idzike nerwizi.

Mikova iyi inovhurwa kana kuvharwa zvichienderana nekuti mvura yakamira seyi mudhamu iri.

HRW inoti nepamusana pekutya, vanhu vaigara munzvimbo iyi vanga vachiramba kutamiswa nehurumende, vakazopedzisira vamakidzwa kubva munzvimbo iyi sezvo mafashamu emvura akanga otyisa.

Mhuri dzinodarika zviuru zvitatu dzakabviswa muna Kukadzi munzvimbo yakakomberedza dhamu iri ndokuendeswa kunzvimbo yeChingwizi.

Asi gurukota rinona nezvedunhu reMasvingo, VaKudakwashe Bhasikiti, vanoti zviri kutaurwa neHRW manyepo sezvo pasi rose richiziva kuti mvura yegore rino yakanayisa zvakanyanya.

VaBhasikiti vanoti HRW inoda kuti bato reZanu PF rishaye rutsigiro muMasvingo.

Asi chipangamazano muHRW, VaDewa Mavhinga, vanoti hurumende yakaita izvi ichiziva zvinangwa zvayo.

VaMavhinga vashorawo kumanikidzwa kuri kuitwa vanhu vakatamiswa ava kuti vanoshanda muminda yenzimbe yevakuru vakuru vanotsigira kana kudyidzana neZanu PF.

Sangano reHRW rinotiwo hurumende inofanirwa kuripa vanhu ava zvakakwana vasati vaendeswa kwavari kunzi vanogara.

Politiburo yeZanu-PF yakatiwo gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vatsvage mari yekuti vanhu ava vagariswe patsva.

Asi kusvika pari zvino zvichingori zviroto.

Asi HRW inoti hurumende iri kuda kuomesera vanhu ava kuti vashaye chekubata vozoguma voshandira kambani yenzimbe yamuzvinabhizimisi Billy Rautenbach avo vanodyidzana neZanu-PF.

Asi hurumende inoti zviri kutaurwa nesangano iri handi chokwadi.

Sachigaro wesangano re Resources Exploitation Watch, VaTafadzwa Musarara, vanovazve nhengo yeZanu-PF, vanotiwo sangano reHRW riri kureva nhema.

Asi VaMavhinga vanoti hurumende iri kukundikana kugadzirisa nyaya yekuChingwizi.