Zimbabwe Warriors Yokweshana neMauritius neSvondo

  • Michael Kariati

Zimbabwe Warriors

Murairidzi weZimbabwe Warriors, Ian Gorowa, ari kuyambira chikwata chake kuti chisadheerere Mauritius mumutambo weAfrican Nations Championships uyo uchatambirwa muZimbabwe nemusi weSvondo

Kunyange hazvo Zimbabwe yakakunda Mauritius nezvibodzwa zvitatu mumutambo wekutanga mu Port Louis, Gorowa anoti vakomana vake havafanire kutarisira nyika iyi pasi apo vachasangana nechikwata ichi kuRufaro Stadium.

Mauritius haisati yambokunda Zimbabwe mumitambo yose yakasangana nyika mbiri idzi.

Zimbabwe ikarova Mauritius, inenge yosangana nechikwata chichakunda pakati peZambia neBotswana. Ikakunda chikwata ichi, Zimbabwe inenge yoenda kuSouth Africa muna Ndira.

Asi mamiriro akaita zvinhu ari kuratidza iwo kuti Zimbabwe ichasangana neZambia iyo yakaita mangange neBotswana muGaberone.

Asi Zambia ine mukana wekubudirira paichasangana neBotswana mumutambo wekugumisira muLevy Mwanawasa Stadium mukupera kwesvondo sezvo inenge iri pamba.

Asi maneja weZimbabwe Warriors, VaPatrick Muteswa, vanoti Zimbabwe haisi kutarisa Zambia chete kuti vaikunde, asi kuti maziso avo atove pamakwikwi achaitirwa kuSouth Africa.

Zimbabwe haisati yambotadza kuenda kumakwikwi eAfrican Nations Championships kubva apo makundano aya akatanga kuitwa muna 2009.

Gorowa naVaMuteswa vakatadza kuenda nechikwata chavo kumakwikwi ekuSouth Africa ndivo vanenge vari vanhu vekutanga kukundikana kuenda kumakundano anounganidza vatambi vanotambira zvikwata zvemunyika dzavo dzemu Africa chete.

Zvimwe zvikwata zvakaita seNigeria, Burundi, Burkina Faso, Ethiopia, Uganda, Libya, Mauritania, Ghana, Guinea, pamwe neTunisia, zvakatobudirira kuenda kumakwikwi ekupedziswira ayo achange aine zvikwata gumi nezvitanhatu muSouth Africa muna Ndira.