Gorowa Opika Kusimudzira Chikwata cheZimbabwe Warriors

  • Michael Kariati
Murairidzi mutsva weZimbabwe Warriors, Ian Gorowa, anoti Zimbabwe Football Association inofanirwa kumudzinga basa kana chikwata chake chichinge chakundikana.

Gorowa, uyo akatanga basa neChitatu, anoti achaita kuti vakomana vanomirira nyika mumutambo wenhabvu, vatambe semarongero ake. Gorowa anoti akakundikana, anofanirwa kudzingwa basa sezvo anenge atadza kubatsira chikwata chenyika kubudirira.

Gorowa, uyo aimbotambira chikwata cheBlack Rhinos pamwe neDynamos uye akamborairidza Ajax Cape Town, Moroka Swallows pamwe neMamelodi Sundowns kuSouth Africa, anoti akapihwa basa iri kusvika mukupera kwemakundano e2015 Africa Cup of Nations. Anoti chinangwa chake ndechekuendesa zimbabwe kumakundano aya.

Makundano e2015 Africa Cup of Nations achaitirwa kuLibya.

Murairidzi uyu, uyo aidaidzwa kunzi Dibango mazuva ayo aitamba nhabvu munyika, anoti haasi kunyanyotarisa chibvumirano chebasa chaakaita neZifa achiti iye kukunda zvimwe zvikwata chete ndiko kunoita kuti arambe ari pabasa.

Anoti chaari kuda kuita kuti Zimbabwe iverengwe pane zvikwata zvine mukurumbira wenhabvu muAfrica.

Gorowa anoti anoyemura zvikuru vaimbove varairidzi wemaWarriors, Sunday Chidzambwa naCharles Mhlauri, avo vakaendesa Zimbabwe kumakwikwi e2004 ne2006 Africa Cup of Nations finals.

Pari zvino, Gorowa anoti chinangwa chake chekutanga ndechekuti Zimbabwe ikwanise kuenda kumakwikwi e2014 Africa Nations Championships ayo achaitirwa muSouth Africa muna Ndira gore rinouya.

Svondo rino Zimbabwe iri kutamba neMauritius mumakundano aya anove akarongerwa vatambi vanotambira zvikwata zvemunyika dzavanobva chete.

Zimbabwe yaenda kuMauritius neChina mangwanani.

Mukuru weZifa, VaJonathan Mashingaidze, havana kubatika kuti vatitaurire kuti mari yekubhadhara Gorowa vanoiwana kupi sezvo vasati vabhadhara varairidzi vaimbotungamira chikwata ichi kusanganisira Mhlauri na Chidzambwa na Norman Mapeza.

Gorowa akapihwa basa iri mushure mekusiya basa kwaKlaus Dieter Pagels wekuGermany uyo akatadza kutora mukombe weCosafa kunyange hazvo chikwata chake chakasvika mumutambo wekugumisira.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Michael Kariati