HARARE —
Murairidzi mutsva weZimbabwe Warriors, Ian Gorowa, anoti Zimbabwe Football Association inofanirwa kumudzinga basa kana chikwata chake chichinge chakundikana.
Gorowa anoti anoyemura zvikuru vaimbove varairidzi wemaWarriors, Sunday Chidzambwa naCharles Mhlauri, avo vakaendesa Zimbabwe kumakwikwi e2004 ne2006 Africa Cup of Nations finals.
Pari zvino, Gorowa anoti chinangwa chake chekutanga ndechekuti Zimbabwe ikwanise kuenda kumakwikwi e2014 Africa Nations Championships ayo achaitirwa muSouth Africa muna Ndira gore rinouya.
Svondo rino Zimbabwe iri kutamba neMauritius mumakundano aya anove akarongerwa vatambi vanotambira zvikwata zvemunyika dzavanobva chete.
Zimbabwe yaenda kuMauritius neChina mangwanani.
Mukuru weZifa, VaJonathan Mashingaidze, havana kubatika kuti vatitaurire kuti mari yekubhadhara Gorowa vanoiwana kupi sezvo vasati vabhadhara varairidzi vaimbotungamira chikwata ichi kusanganisira Mhlauri na Chidzambwa na Norman Mapeza.
Gorowa akapihwa basa iri mushure mekusiya basa kwaKlaus Dieter Pagels wekuGermany uyo akatadza kutora mukombe weCosafa kunyange hazvo chikwata chake chakasvika mumutambo wekugumisira.