Dzimwe Nhengo dzeANC Dzoratidzira Kuti Zvirango Zvakatemerwa Vakuru veZimbabwe Zvibviswe

Vatsigiri veANC votsigira kubviswa kwezvirango muZimbabwe

Dzinmwe nhengo dzeANC dzakabatana neZanu-PF dzakaratidzira muPretoria, South Africa dzichikurudzira kuti zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru veZanu-PF zvibviswe.

Vange vachiratidzira ava vaenda pamizinda yeAmerica neEuropean Union munyika iyi.

Vange vachiratidzira ava vange vachishora zvikuru hurumende yeAmerica, nesangano reEU pamwewo nekupa kurudziro yekuti zvirango izvi zvibviswe.

Mutauriri webato reZanuPF VaKennedy Mandaza vaudza Studio 7 kuti vaneta nezviri kuitwa ne America.

VaMandaza vanoti nyika yeZimbabwe yakatemerwa zvirango nekuda kwekuti mhuri yayo yakange yatora ivhu kubva kuvachena. Amai Martha Shumba nhengo yeCoalition Against Sanctions on Zimbabwe vashorawo kutemerwa kwezvirango izvi.

Asi mudzidzisi wepachikoro chepamusoro cheTswane University of Technology, Doctor Ricky Mukonza, vanoti kurudziro yeSADC, inoratidza kuti sangano iri harisi kunzwisisa zviri kuitika muZimbabwe.

Dr Mukonza vaenderera mberi vachitI dambudziko rakatarisana neZimbabwe, harisi kukonzerwa nezvirango asi nematongero ebato reZanuPF.

Mutauriri wesangano reMDC mudunhu reJohannesburg, VaInnocent Nsingo vanoti zvabuda pachena kuti SADC inotsigira bato reZanu-PF.

VaNsingo vanoti Zanu PF, inofanira kutanga yagadzirisa huori huri kuitwa nevatungamiriri vayo, kubva kumusoro kusvika pasi. VaNsingo vakurudzira sangano reSADC kuti risave nedivi rarakarerekera mukugadzira dambudziko rakatarisana neZimbabawe.

Asi mumiririri wemuzinda weZimbabwe muSouth Africa VaDavid Hamadziripi vaudza Studio 7 kuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe zviri kukanganisa zvikuru kusafamba zvakanaka kwenyika dzayakavakidzana nayo.

VaHamadziripi vanovimba kuti veEU nehurumende yeAmerica, vachateerera kushungurudzika kwenyika dzemuSADC .

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Moreblessing Munjoma