Dynamos Yorambidzwa Kushandisa Zita neZvikwereti

Dynamos Football Club players

Sachigaro vechikwata che Dynamos VaKenny Mubaiwa vanoti magweta avo ari mushishi kuoongorora nyaya dziri kubuda mumapepa nhau dzekuti vambomisa kushandisa zita ravo zvichitevera chikwereti chemari chinosvika $4 900.

Dynamos inonzi ine chikweti chekambani yeQotho Finance yekuCyprus iyo inonzi yakakwidza nyaya iyi kumatare ikapihwa mutongo wekuti Dynamos imbomira kushandisa zita rayo.

VaMubaiwa vanoti zvimwe zvikwereti zvakatorwa nevaimbo shandira chikwata chavo munguva yapfura asi vachayedza kuti vagadzirise zvinhu kuitira kuti varambe vachishandisa zita ravo.

Dynamos ndiyo yakatora mukombe weCastle Lager Premiership League gore rapera uye ine zviuru nezviuru zvevatsigiri izvo zvirikuita kuti veruzhinji vakatyamadzwe kuti sei iri kutadza sei kubhadhara chikwereti.

VaMubaiwa vaudza Studio Seven kuti nyaya dzakadayi dzirikuvashamisa sezvo chikwata chavo chave kufambiswa sekambani uye vari kuyedza kubhadhara zvikwereti zvavo zvese kunyangwe izvo zvakasiyiwa nevamwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro Nava Kenny Mubaiwa