Dynamos Yopa Vatambi Vavo Mari Zvichitevera Kutora Mukombe weCLPSL

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Soccer Ball

Chikwata cheDynamos chinoti chichapa vatambi vacho mari inosvika zvikamu makumi mana kubva muzana zvemari ichabva kukambani ye Delta semubairo wekutora kwayakaita mukombe we Castle Lager Premier Soccer League.

Dynamos iri kuwana mari inoita zviuru makumi manomwe zvemadhora.

Va Mubaiwa vanoti vatambi vakatoudzwa mari dzavachapihwa. Vatiwo kunyange hazvo chikwata chavo chiri kufara zvikuru nekutora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League, vachambomira kuita mabiko kusvika vatamba neMonomotapa mumutambo wemukombe weMbada Diamonds Cup neMugovera.

VaMubaiwa vanoti vave kutotanga kugadzirira mari dzinodiwa kuti chikwata chavo chikwanise kuenda kumakwikwi emuAfrica ayo vachange vachitamba vakamirira nyika.

Dynamos yakatora mukombe uyu nemusi weSvondo apo yakatamba neHardbody dzikaita mangange 1-1. Highlanders ndiyo yakatora chinzvimbo chechipiri mushure mekukunda Blue Rangers 2-0.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKenny Mubaiwa