Dzimba Dzisina Kuvakwa Zviri paMutemo Dzoputswa

Kanzuru yeHarare iri kuenderera mberi nekuputsa dzimba dzayinoti dzakavakwa zvisiri pamutemo.

Hurongwa uhu hunonzi hwasvika pamhando yepamusoro soro zvichitevera kugadzwa kwakaitwa Va Savior Kasukuwere segurukota rinoona nezvemaguta.

Dzimba dziri kuputswa ndedze vanhu vari mumushandira pamwe uye veruzhinji vanoti nhengo idzi dzinotsigira Zanu PF.

Dzimba dzaputswa neChitatu kuBudiriro dziri munzvimbo dzinoti Ngungunyana, Tembwe neTabudirira. Zvinonzi vashandi vekanzuru vanga vachiputsa dzimba idzi vachibatsirwa nemapurisa.

Imwe nhengo yemushandira pamwe weTogether as One Cooperative, VaCarlos Machingura, vanoti vashamiswa kuona mapurisa achiputsa dzimba pamwe nekurova vanhu muBudiriro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCarlos Machingura