HARARE —
Komisheni inorwisana nehuwori, yeZimbabwe Anti Corrruption Commission, inoti iri kuferefeta vaimbova gurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, nyaya yekuita zvehuori mumakanzuru ari munyika yose.
Izvi zvabuda mudare mukutongwa kweimwe nhengo yekomisheni iyi, Va Emmanuel Chimwanda, avo vamiswa pamberi pedare ramejasitiriti muHarare vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo uunorambidza kuburitswa kwezvakavanzika, kana kuti Official Secrets Act panyaya iri kuferefetwa VaChombo nekomisheni yavo.
Va Chimwanda vamiswa pamberi pedare ramajesitiriti neChitatu vachinzi vakashanda nana muzvinahofisi vekuhofisi kwevaimbova mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, kuburitsa mashoko ehurumende akavanzika vachityora mitemo yenyika.
Muchuchisi wenyaya iyi, VaMichael Reza, vati VaChimwanda, vakashanda pamwe chete nevaimbova kanzura we Mt Pleasant, Va Warship Dumba, avo vaishanda muhofisi yaVa Tsvangirai nevamwe vavo vanoti Va Thabani Mpofu, Va Felix Matsinde pamwe naVa Mehluli Tshuma, kuburitsa zvakavanzika zvine chekuita nenyaya dzanga dzichiferefetwa neAnti Corruption Commission.
Asi Va Chimwanda vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.
Hurumende yashevedza mufakazi wekutanga panyaya iyi, Va Denford Chirindo, vanove sachigaro we Anti Corruption Commission, avo vaudza dare kuti vangounzwa kudare asi vati havana chavanoziva nezvenyaya iri kupomerwa Va Chimwanda.
Asi MDC-T inoti zviri kutaurwa naVa Chombo, avo vasiri gurukota pari zvino zvichitevera kupera kwehurumende yemubatanaidzwa musi wakatoreswa VaMugabe mhiko yekuva mutungamiri wenyika, hachisi chokwadi maererano nemutemo wenyika.
Mutauriri weMDC-T muHarare, VaObert Gutu, ndivo vakadomwa nebato ravo kuti vakwikwidze chigaro chameya we Harare, uye mudzidzisi pa National University of Science and Technology, VaMandla Nyathi, ndivo vakadomwawo nebato iri kuti vakwikwidze chigaro chameya we Bulawayo kunyange hazvo vaviri ava vasina kusarudzwa semakanzura.