Congress Yotanga Kuzeya Nyaya Yekuti VaTrump Vamanikidzwe Kusiya Basa

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mutauriri wedare rehouse Of Representatives muAmerica amai Nancy Pelosi vanoti vapa mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaMike Pence zuva rimwe chete rekuti vagare pasi nedare remakurukota kuti vamanikidze mutungamiri wenyika VaDonald Trump kuti vasiye basa.

VaTrump vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga nekuda kupidigura hurumende mushure mekukundwa kwavakaitwa musarudzo dzavari kuramba kutambira. Amai Pelosi vanoti VaPence vakasatora matanho vachaita kuti dare reparamende reCongress ritange kuzeya nyaya iyi.

VaTrump vari kutarisirwa havo kusiya basa musi wa 20 Ndira apo mutungamiri wenyika mutsva VaJoe Biden vachatora mhiko. Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaFrank Chatonda vanogara kuSouth Carolina muAmerica vanoti kunyangwe hazvo zviri pamutemo kuti maDemocrats vayedze kumisa VaTrump basa mazuva ekuti vasiye basa asati asvika zvichanetsa sezvo maRepublicans vanokwanisa kusazova tsigira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Frank Chatonda