Chizvarwa cheZimbabwe Chobatsira Vanoda Kudzidza muAmerica

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Amai Alletha Mujeyi Muzorewa

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica Amai Alletha Mujeyi-Muzorewa chiri kukuridzira vabereki kuti vasatyire kure kutsvaga nzira dzekuti vakwanise kutumira vana vavo kuzvikoro zvepamusoro zvemu America.

Vanoti kune mari dzekubatsira kana kuti mascholaships akawanda avanokwanisa kuwana kuti vaite zvidzidzo zvavo. Vaenderera mberi vachiti vamwe vanokwanisa kudzidza vari muZimbabwe asi vachishandisa dandemutande kuita zvidzidzo zvavo.

Amai Mujeyi Muzorewa vanoti vari kushanda zvakare nevamwe vekune dzimwe nyika dzemuAfrica kusanganisira vachivapa dzidziso yekuti vangawane sei mari dzedzidzo pazvirongwa zvavanoita pamadandemutande akaita seZoom, paFacebook neWhatsApp.

"Shuwiro yangu ndeyekuti veruzhinji munyika vazive nzira dzakasiyana siyana dzekuwana dzidzo mungave muAmerica kana kuzvikoro zviri muAmerica vachisandisa dandemutande," Amai Mujeyi Muzorewa vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Alletha Mujeyi Muzorewa