VaChinamasa Vokurudzira Paramende Kutambira Bhajeti re$4B ra2016

  • Jonga Kandemiiri

Chinamasa

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakumbira paramende kuti itambire hurongwa hwavo hwemashandisirwo emari yehurumende gore rinouya hwemabhiriyoni mana emadhora.

VaChinamasa vati hupfumi hwenyika hunotarisirwa kukura nezvikamu zviviri nechidimbu kubva muzana.

VaChinamasa vati vari kukumbira paramende kuti mari zhinji yehurumende, iyo inodarika zvikamu makumi masere kubva muzana zvebhajeti rese, idzikiswe.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Irwin Chifera

VaChinamasa vati hurumende yakatoita chisungo chekuona kuti mari iyi yaderera uye ichatora matanho akaita sekumisa vamwe vashandi basa pamwe nezvimwe izvo zvichaita kuti hurumende ikwanise kuderedza mari yemihoro nemamiriyoni gumi nemana nechidimbu mwedzi wega wega.

Vati nekuda kwekuti mari yakawanda iri kuenda kumihoro, hurumende inosara isina mari yezvimwe zvirongwa.

VaChinamasa vati vanoda kuti mapazi edzidzo maviri awane mari yakawanda kudarika mamwe ese. VaChinamasa vati hurumende inokoshesa dzidzo nekudaro vari kuda kupa mapazi aya mamiriyoni mazana masere emadhora.

Bazi rinoona nezvemukati menyika, ndiro rimwe riri panzvimbo yechitatu uye ravari kuda kuti ripihwe 395 million dollars kozotiwo bazi rehutano ndiro rimwewo richapihwa mari yakawanda kudarika mamwe mapazi ese.

Zvichakadai, VaChinamasa vati huwandu hwezvinhu zvinotengeswa nenyika kunze huchawedzera gore rinouya kusvika pa$3.7 billion. Asi vati hunenge huri pasi pezvinhu zvinopinzwa munyika izvo zvichange zviri pa$6.3billion.

VaChinamasa vatiwo hurumende iri kutora matanho akawanda ekusimudzira hupfumi zvikuru sei nyaya dzekurima, nyaya dzekuzvicherwa zvegoridhe nemangoda nezvimwe.

Vati hurumende iri kutsigira varimi vemumaruwa asi vakati varimi vemumapurazi vachawana rutsigiro kubva kumabhanga.

Asi vati senzira yekutsigira kurimwa kwedonje, vati varimi vanofanirwa kupihwa zvekurimisa pachena kwemakore matatu anotevera.

Vatiwo nyika nemasangano ekunze vari kubatsira nyika nemamiriyoni anodarika zana munyaya dzekurima pamwe nehutano.

VaChinamasa vajekesawo nyaya yekambani yeZiscosteel vachiti hurumende ichatora zvikwereti zvekambani iyi uye ichamisa vashandi vese vekambani nekuvapa mihoro yemwedzi mitatu kuti ikwanise kutsvaga vekunze vangade kutenga kana kuita mubatanidzwa nekambani iyi.

Izvi zvinoburitsa pachena kuti chibvumirano change chaitwa nehurumende nekambani yekuIndia yeEssar hachina kubudirira.

VaChinamasa vatiwo apo hurumende iri kuedza kukwezva zvemabhizimisi vekunze, ichajekesa zvekare mutemo wekupa masimba ehupfumi kuvatema gore rino risati rapera.

Paramende ichazeya bhajeti raVaChinamasa kuitira kuti iritambire kana kusaritambira sezvinodiwa nemitemo yenyika.

Zvichakadaro, dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti bhajeti regore rinouya rakumbirwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, kuparamende kuti itambire, harina zvikuru zvamboshanduka kubva kubhajeti regore rino, iro rakaona mari yakawandisa yaipinda muhomwe yehurumende ichienda kunobhadhara vashandi.

Nyanzvi idzi dzinotiwo hadzitenderani naVaChinamasa pamashoko avo ekuti hupfumi hwenyika hunotarisirwa kukura nezvikamu zviviri nechidimbu kubva muzana.

Imwe yenyanzvi idzi, VaProsper chitambara, avo vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vanoti nemamiriro akaita zvinhu munyika vanoona hupfumi huchikura nechikamu chimwechete kubva muzana.

Imwe nyanzvi mune zveupfumi VaMasimba Kuchera vanotiwo hurongwa hwekuti hurumende itore chikwereti chekambani yedonje, yeCOTCO hahuna nemusoro wese sezvo izvi zvichiremedza vana veZimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaProsper Chitambara pamwe naVaMasimba Kuchera