HARARE —
Mabhanga mazhinji munyika ava kutadza kupa veruzhinji mari yavanenge vachida kutora mumabhanga aya sezvo mamwe emabhanga aya ari kuiti haana mari inokwanira veruzhinji.
Mumwe mugari wemuHarare, Va Mathias Masunda, vanoti vaenda vachida kunotora mari kubhanga kwavo ku Metropolitan Bank vakanzi vanokwanisa kuwana chidimu chemari yavanga vachida.
Mamwe mabhanga anonzi ari kunetsekawo kupa veruzhinji mari yakakwana anosanganisira CBZ pamwe ne AgriBank.
Gurukota rezvemari, Va Patrick Chinamasa, vanoti havasi kuzozivisa bhajeti munguva pfupi iri kutevera sezvo vachiti vari kuda nguva yekuti vanyatsogadzira bhajeti iri nemazvo.
VaMutingwende vakurudzirawo hurumende kuti igadzirise nyaya dzemari inopihwa vanhu kana mari yavo yagara mubhanga kwekanguva yareba uye yabereka imwe pamusoro, kana kuti interest.
Mutungamiri wesangano reZimbabwe Bankers Association, Va George Guvamatanga, vanoti sangano ravo riri pakati penhaurirano nebhanga guru munyika re Reserve Bank of Zimbabwe nechinangwa chekuti nyaya yemari inoberekwa igadziriswe.
Va Guvamatanga vakaudza bepanhau re NewsDay kuti mabhanga mazhinji haasi kukwanisa kuwana mari yakawanda sezvo vachiti mari dziri kubhadharwa neveruzhinji semari yaberekwa kana vachinge vakwereta mari kumabhanga, dziri shoma zvikuru zvekuti mabhanga mazhinji haazokwanisi kurarama kwenguva refu.
Hatina kukwanisa kutaura nagavhuna webhanga guru renyika, Va Gideon Gono, kuti tinzwe kuti nhaurirano dzavo dzave papi.