Vanotengesa Mumigwagwa Vocherechedza Zuva reInternational Day for Street Vendors

  • Taurai Shava

Vamwe vevanorarama nekutengesa vanoti vanoshuvira kuti hurumende pamwe namakanzuru emumaguta nemadhorobha akasiyana-siyana munyika zvivatambire sevanhu vanoshandawo kwete kubatsira kuriritira mhuri dzavo chete, asi mukusimudzirawo hupfumi hwenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Taurai Shava

Pange pane mufaro apo vamwe vevanotengesa mumigwagwa vari pasi pesangano reNational Vendors Union of Zimbabwe, Navuz, vaungana paStanley Square muBulawayo vachicherechedza zuva reInternational Day for Street Vendors.

Kunze kwemashoko ekurudziro ataurwa nevanhu vakasiyana-siyana, vamwe vevanotengesa mumigwagwa ava vafadza vanhu pavaita mutambo wange uchiratidza kumhanyiswa, kusungwa nekutorerwa zvinhu kunoitwa vamwe vevanhu vanotengesera mumigwagwa zvisiri pamutemo.

Sachigaro weRenkini Branch musangano reNavuz, Muzvare Vimbai Manyanye, vati vafara zvikuru kukwanisa kucherechedza zuva iri vachitiwo kuita izvi kunobatsira vanhu vanotengesa mumigwagwa kuti vataure nenzwi rimwe chete pamatambudziko avanosangana nawo.

Sachigaro weNavuz muBulawayo, VaObert Manduna, vatiwo kunyange hazvo zuva reInternational Street Vendors Day richicherechedzwa musi wa14 Mbudzi wega wega pasi rose, sangano ravo raona zvakakosha kucherechedza zuva iri neMuvhuro muBulawayo nekuti rinonzwisisa kuti vanhu vakawanda vasina mabasa vave kurarama nekutengesa mumigwagwa.

Sachigaro wesangano reNavuz munyika, VaStendrick Zvorwadza, avo vange varipowo pachiitiko ichi, vatsinhirawo mashoko aya vakaenderera mberi vachiti kucherechedza zuva rakadai kunobatsira chinangwa chesangano ravo chekuda kuti vanotengesa mumigwagwa vazive kodzero dzavo uye vagokwanisawo kuve vanopa pfungwa dzavo kuvakuru vakuru kunyanya panyaya dzemitemo ingabatsira mashandiro avo akanaka.

VaZvorwadza varumbidza meya weguta reBulawayo, VaMartin Moyo, nekanzuru yavo vachiti vari kushanda zvakanaka nevanotengesa mumigwagwa.

Asi vachienzanisa mashandiro aiita vaimbove gurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo naVaSavior Kasukuwere, avo vave gurukota rezvematunhu pari zvino, VaZvorwadza vashora VaKasukuwere vachiti havana hany’a nevanhu vanotengesa mumigwa.

Vaenderera mberi vachiti kunyange hazvo sangano ravo rave nenguva richiedza kusangana naVaKasukuwere kuti vaonesane nyaya dzinobata-bata vanotengesa mumigwagwa, VaKasukuwere havazi kuvapa mukana.

Studio 7 haina kunzwa divi raVaKasukuwere panyaya iyi.

Zuva reInternational Street Vendors Day rakatangwa kucherechedza pasi rose mugore ra2012 zvichitevera kurudziro yesangano reStreetNet International iro rinobatanidza masangano akasiyana-siyana emunyika dzepasi rose ane chekuita nevanhu vanorarama nekutengesa mumigwagwa.