Dare Rinoudza VaBhasikiti Kuri Vapikise Kudzingwa Kwavo kuPolitiburo yeZanu PF

  • Thomas Chiripasi

Rugare Gumbo (l) Kudakwashe Basikiti (2nd from L) Kumbirayi Mafunda and Tendai Biti (far right)

Dare repamusoro rarasa chikumbiro chevaimbova gurukota rehurumende raimirira dunhu reMasvingo, Va Kudakwashe Bhasikiti, chekuti kudzingwa kwavakaitwa mu Zanu PF muna Chivabvu kusendekwe parutivi.

Mumutongo wavo, mutongi wedare, Va Chinembiri Bhunu, vati Va Bhasikiti vaifanira kushandisa nzira dzose dziri mubumbiro remitemo rebato reZanu PF kana vaine nhuna nekudzingwa kwavakaitwa mubato iri.

Vaenderera mberi vachiti Va Bhasikiti, avo vaive zvakare mumiriri weMwenezi East muparamende, vaifanira kukwidza nyaya yavo kuPolitburo ne Central Committee yeZanu PF kana vasina kufara nekudzingwa kwavakaitwa nekomiti yakatonga nyaya yavo kwete kumhanyira kumatare.

Kunyange hazvo Va Bhasikiti vakaudza dare kuti nyaya yavo hayaitongwa zvakanaka nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, avo vavakaendesa vanove zvakare sachigaro we Politburo ne Central Committee, Va Bhunu vati Va Mugabe vanogona kumbosuduruka pakutongwa kwenyaya iyi sezvo vachiti komiti idzi dzose dziri mbiri dzine vanhu vakawanda zvikuru vanogona kunzwa nyaya yavo.

Gweta raVa Mugabe, Va Terrence Hussein, vanoti vafara zvikuru nemutongo waturwa nedare uyu.

Asi gweta raVa Bhasikiti, Va Tendai Biti, vati vachapikisa mutongo uyu mudare repamusoro-soro munyika.

Va Bhasikiti vakadzingwa mu Zanu PF vachipomerwa mhosva yekupandukira Va Mugabe pamwe nekuronga zvekupidigura hurumende yavo vachishanda pamwe chete nevaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, kunyange hazvo vese vachiti vari kuzodzwa madhaka ivo vakachena semukaka.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare zvakare panyaya yakakwidzwa kudare naVa Dumiso Dabengwa vanove mutungamiri webato reZapu, Va Bhunu vatura mutongo wekuti sangano rinowona nezvekufambiswa kwesarudzo munyika re Zimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, ritevedzere bumbiro remitemo yenyika zvizere.

Vati ZEC inosungirwa kuti inyorese vavhoti sezviri mubumbiro iri vachiti hofisi yaVa Tobaiwa Mudede inowona nezvekutoreswa kwevanhu matsamba ekuzvarwa nekufa haisisina simba rekuita basa zvichitevera kuwumbwa kwakaitwa bumbiro idzva remitemo yenyika.

Asi Va Bhunu vakatyamadza vanhu vanga vari mudare pavati ZEC inokwanisa kuita madiro aJojina panyaya iyi sezvo isina mari yekuita basa rayo zvizere.

Musarudzo dzemusi wa 10 Chikumi dzema by-elections, ZEC yakanyoresa vanhu sevavhoti.