Musangano weNational Convergence Platform Unombomiswa

  • Thomas Chiripasi

Makoni-Tsvangirai

Vari kuronga musangano weNational Convergence Platform wekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvigare pasi zvizeye matambudziko akatarisana nenyika, Mufundisi Sebastian Bakare, vanoti musangano uyu wava kumbomira kuitwa sezvo vanhu vazhinji vasiri kutambira musangano uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi

Vachitaura nevatori venhau mu Harare, Bishop Bakare vati vanhu vazhinji havasi kutambira hurongwa uhwu uhwo hwanga huchifanira kuitwa musi wa 24 Gumiguru, 2015.

Mutauriri we National Convergence Platform, Va Vince Museve, vatiwo chimwe chiri kunetsa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvigare pasi zvizeye matambudziko azvakatarisana nawo pamwe nekutsvaga nzira dzekugadzirisa zviri kunetsa inyaya yemari.

Ve National Convergence Platform vave nenguva inokwana gore vachiedza kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviungane.

Va Bakare varamba mashoko akabuda mune mamwe mapepanhau ekuti musangano uyu uri kutadza kubudirira nepamusana pekuti vanga vane vatungamiri vavanga vachida kuti vatungamire mubatanidzwa wemapato ezvematongerwo pamberi pesarudzo dzemuna 2018 kana kuti grand coalition.

Mutungamiri weProgressive Democratic Party, Va Tendai Biti, pamwe nemutungamiri werimwe boka reMDC, Va Welshman Ncube, vakabuda pachena kuti havadi kuti mutungamiri weMDC, Va Morgan Tsvangirai, vatungamirire grand coalition iyi.

Asi vamwe vakaita saVa Simba Makoni, vebato reMavambo, Kusile, Dawn vanoti vanhu havafanire kumhanyira kugoverana mhuka yavasati vabata vachiti mapato anofanirwa kuita chirwirangwe kuti abvise hutongo hweZanu PF yavari kupomera mhosva yekuondomora hupfumi hwenyika.

Va Museve vati zvizvarwa zveZimbabwe zvikaungana kuti zvizeye matambudziko akatarisana nenyika, panogona kubuda gwara razvingatevedzera mukugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Zvichakadai, Va Bakare vati seNational Convergence Platform, vachakoka munhu wese ane chekuita nekugadzirisa zviri kunetsa munyika kusanganisira vari muhurumende, vemapato ezvematongerwo enyika, masangano anoshanda akazvimirira neruzhinji rweZimbabwe.

VaBakare vati musangano wavari kuda kuti uitwe uyu hausi kuzotarisa kuti munhu anotsigira bato ripi rezvematongerwo enyika sezvo munhu wese achibatwa nezviri kuitika munyika.