VaBiden Voenderera Mberi Vachiumba Hurumende Yavo Zvisineyi Kuti VaTrump Vari Kuramba Kutambidzana Masimba

  • Jonga Kandemiiri

VaJoe Biden

Panguva iyo mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika musarudzo dzichangobva kuitwa muAmerica, vakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika, VaJoe Biden vebato reDemocratic Party vari kuenderera mberi nekuita hurongwa hwegadziriro yehurumende yavo kuburikidza nemisangano yakasiyanasiyana.

Nemusi weChipiri VaBiden vakasangana nenyanzvi dzezvekudyidzana nedzimwe nyika, nyanzvi dzezvekusora pamwe nenyanzvi dzezvekudzivirirwa kwenyika.

Nemusi weChitatu, VaBiden vakaita musangano wepadandemutande nevashandi vezvehutano vari kushanda vari pamberi mukurwisana nedenda rarura muAmerica pamwe nepasi rose reCovid-19.

Asi zvose izvi zvichiitika, VaTrump havana kupeta maoko kwete. VaTrump vari kuramba vachitevera nyaya dzekupikisa kwavo kukunda kwaVaBiden kuburikidza nematare edzimhosva, asi vanonzi vari kusangana nezvimhamipinyi kumatare zvichitevera kuraswa kwakaitwa imwe yenyaya dzavo kudare rekuPennsylvania uko vaiedza kumisa kudomwa kwaVaBiden.

Chikwata chaVaTrump chakazivisawo kuti chiri kupikisawo kukunda kwaVaBiden kudunu reNevada, pamusoro pedzimwe nyaya dziri mumatare emamwe matunhu, izvo zviri kunzi nevamwe vanoongorora zvematongerwo enyika hazvina zvikuru zvazvichashandura.

Asi chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinoongorora zvematongerwo enyika uye chichiita zvidzidzo zvematongerwo enyika paGeorge Mason University muVirginia kuno muAmerica, uye ari munyori wemabhuku, Pearl Matibe, anoti vanhu vanofanirwa kupa mukana kuhurongwa huri kuitika hunosanganisira kuverengwa kwemavhoti zvakare mune mamwe matunhu nezvichabuda kumatare kunyaya dzaVaTrump vasati vatanga kuti zviri kunonoka.

Ngatinzweyi vachitsanangura muhurukuro yaaita naJonga Kandemiiri weStudio 7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Pearl Matibe