VaDonald Trump Vanoti Vachambomira Kuvharisa Tik Tok

Tik Tok

Mutungamiri we America, VaDonald Trump, vanoti pari zvino havasi kuzovharisa kambani ye Tik Tok mu America sezvavakange vambovimbisa, vachiti vakamirira kuti itengwe nekambani ipi zvayo yemuAmerica.

Tik Tok ikambani yepadandemutande inofarirwa zvikuru nevechidiki.

Tik Tok ikambani iri pasi pekambani yeku China inonzi ByteDance, izvo zviri kukonzera kuti America itye kuti Tik Tok inogona kushandiswa nehurumende yeChina mukuba ruzivo rwemakambani pamwe chete neruzivo pamusoro pe zvizvarwa zve America.

Tik Tok inoshandiswa zvikuru nevechidiki munyika zana nemakumi mashanu (150) uye inoshandisa ndimi makumi manomwe nemashanu (75).

Vanodzidzisa kutapwa kwenhau paTexas State University, kuSan Marcos, mudunhu reTexas, Muzvinafundo Prisca Ngondo, vanoti Tik Tok ine simba nekuti ine vechidiki vakawanda pasi pose izvo zvinotyisa vemuhurumende, avo vanotya kuti kambani iyi ingashandiswa mukuba ruzivo rwezviri kuitwa nemakambani muAmerica pamwe chete neruzivo rwevagari vemuAmerica.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Prisca Ngondo