Vatsigiri va VaTrump Vanoita Mhirizhonga paCapitol Hill

Vatsigiri vaVaDonald Trump vachiratidzira paCapitol Hill

Nhengo dzeparamende ye America dzakabudiswa muparamende zvechimbichimbi mushure mekunge mhomho yevatsigiri vemutungamiri we America, VaDonald Trump, yakapinda zvechisimba muparamende panguva iyo nhengo dzedare iri dzakange dzichiverenga mavhoti esarudzo yakapa VaJoe Biden hutongi hwe America pavakakunda VaTrump musarudzo.

Mhomho iyi yakapunza mahwindo nemisuwo izvo zvakakonzera kuti nhengo dzose dzeparamende dzitize kana kuvanda kusvika mapurisa asvika.

Mumwe munhukadzi akapfurwa akazofira kuchipatara.

VaTrump vari kushorwa nekuramba kwavo kubvuma kuti vakakundwa musarudzo uye yekukurudzira vatsigiri vavo kuti varatidzire vachiramba zvakabuda musarudzo.

Meya veguta reWashington D.C. Amai Muriel Bowser, vadzika mutemo unorambidza vanhu kufambafamba pakati pemaawa a 6 o’clock manheru na 6 o’clock mangwanani.

Mushure memhirizhonga iyi, makambani eTwitter, Facebook neInstagram akazivisa kuti ave kuvhara mukana waVaTrump wekushandisa madandemutande aya pari zvino, achiti anogona kunyima VaTrump mukana wekushandisa madandemutande aya zvachose.

Mugari wemu Washington D.C, Doctor Frenk Guni, vanoti zvavaona zvichiitika zvinonyadzisa uye zvasvibisa zita reAmerica zvakanyanya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Frenk Guni