Moderna ne Oxford University Vanofara Nemishonga yeCoronavirus Yavari Kugadzira

Pane mishonga miviri yekudzivirira Coronavirus inonzi iri kuita zvakanaka mukushandiswa kwayo pavanhu

Masvondo maviri apfuura, kambani inogadzira mishonga yekurapa vanhu, inonzi Moderna, yeku Cambridge, mudunhu re Massachusetts, yakazivisa kuti mushonga wayo wenhomba, kana kuti vaccine, ye COVID-19 uri kuratidza kushanda zvakanaka pavanhu vakaushandisa pavakange vachiedza kuona kurapa kwawo uye kana paine zvimwe zvakaipa zvaungakonzera pavanhu vanoushandisa.

Nezuro nyanzvi dze zvehutano paOxford University kuUnited kingdom dzakazivisavo kuti vari kufadzwa nezvavari kuona pamushonga we coronavirus wavari kuedza kugadzira sezvo wakaratidza kushanda pavanhu pasina zvakaipa zvaunokonzera.

Dr Simbiso Ranga, vanoshanda vari mudunhu re North Carolina, vanoti mishonga iyi ichiri kure nekuti itange kushandiswa pavanhu vese vese.

Vanoti chinofadza ndechokuti pave negwara rakafanana mukugadzira mishonga iyi.

Dr Ranga vanotitsanangurira pamusoro pemishonga iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Simbiso Ranga