Moderna Inoti Mushonga Wayo weCoronavirus Unoratidza Kubudirira

Moderna

Nyanzvi dzinogadzira mishonga dziri kurwa nekubudisa mushonga wekurapa chirwere che COVID-19, icho chiri kuuraya vanhu vazhinji munyika zhinji pasi pose.

Imwe kambani, Moderna, yeku Cambridge, mudunhu re Massachusetts, yakazivisa nezuro kuti mushonga wayo wenhomba, kana kuti ‘vaccine’, ye COVID-19 uri kuratidza kubudirira pavanhu vaushandisa mukuedzwa kwayo.

Moderna nevakuru vezvehutano muhurumende ye America vanoti vave padano rekupedzisira rekuedza mushonga uyu.

nyanzvi mune zvehutano, Dr Frenk Guni, vanoti nguva yekupemberera mushonga uyu haisati yasvika asi vachiti mushonga uyu uri kupa tarisiro inofadza.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Frenk Guni