Kanye West Anoti Achakwikwidza Kuve Mutungamiri weAmerica Muna 2020

Kanye West

Muimbi ane mukurumbira pasi pose, Kanye West, azivisa kuti arikuzokwikwidza kuve mutungamiri we America gore rino, 2020.

Vazhinji vari kuseka vachiti kurota kuri kuitwa naKanye asi vanoongorora zvemitambo vakazvimirira, VaTafadzwa Munjanja, vanoti Kanye haasi iye muimbi kana ‘actor’ wekutanga akapinda mune zvematongerwo enyika, vachiti VaRonald Reagan vaive mumafirimu mazhinji vasati vakwikwidza kuve mutungamiri wenyika, izvo vakazove kwemakore masere.

VaMunjanja vanoti umwe aiita zvemitambo yekusimudza masimbi uye akaonekwavo mumafirimu mazhinji, VaArnold Schwarzenegger, vakapindavo mune zvematongerwo enyika vakaita ghavhuna vedunhu reCalifornia kwemakore masere.

VaMunjanja vanoti Kanye akakwikwidza, achaita dambudziko nevanhu vechitema pamusoro pekutsigira kwake mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vachitizve iyi inogonavo kuva nzira yekuda kubatsira VaTrump kuti pamwe vanhu vechitema vanofanirwa kuvhotera VaJoe Biden vavhotere Kanye kuti VaTrump vabudirire.

Pamusoro pezvo, VaMunjanja vanoti iyizve inogona kuva nzira yaKanye yekukonzera mutauro kuti dambarefu rake, iro richabudiswa mwedzi unouya, waNyamavhuvhu, rigotengwa zvine mutsindo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Munjanja