Vazhinji Vorwadzwa neKushaya Kwa Amai Ruth Ginsburg

Justice Ruth Bader Ginsburg

Justice Ruth Ginsburg, avo vakashaya nemusi we Chishanu mu Washington DC, vakange vari mudzimai wechipiri kuve mutongi wedare remu America re Supreme Court. Amai Ginsburg vakaita mukurumbira zvichibva mukusimudzira kwavo nekuchengetedza kodzero dzevanhu, pamwe chete nekurwisa kuti vanhukadzi vapiwe ruremekedzo mumabasa rwakafanana nerwe vanhurume uye kuti zvipingamupini zverusarura ku vanhukadzi zvibviswe. Amai Ginsburg vakaberekwa musi 15 Kurume mugore ra 1933, mu New York, vakashaya mu Washington DC nemusi we Chishanu vave nemakore makumi masere nemanomwe. Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachidzidzisa pa Wellesley College kuMassachusetts, Doctor Chipo Dendere, vanoti vanhukadzi vazhinji, kusanganisira ivo, vari kunetseka zvikuru nerufu rwa Amai Ruth Ginsburg sezvo vakakonzera kuzururwa kwemisuwo mizhinji kuti vanhukadzi vakwanise kuita zvese zvavakange vachida kuita sezvaiitwa ne vanhurume.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Chipo Dendere