Vashanyi Vanobva kuAmerica Varambidzwa Kushanyira Dzimwe Nyika nePamusoro peCoronavirus Yawandisa muAmerica

Statue of Liberty

Nyika zhinji, zvikuru dzeku Europe, hadzisi kufara nemabatirwo ari kuitwa kuedza kumisa kupararira kwechirwere che Covid-19 mu America.

Nyika idzi dzinoti zviri kuitwa muAmerica mukuedza kumisa kupararira kwechirwere zvave kukonzera kuti nyika zhinji dzisatambire vashanyi vanobva kuAmerica.

America ndiyo nyika ine vanhu vakawandisa vari kubatwa nechirwere ichi uye ndiyo ine vanhu vakawandisa vari kufa nacho kudarika dzimwe nyika dzepasi rose.

Dzimwe nyika dzave kuti America haisi kurwisa chirwere ichi nesimba sezvadziri kuita idzo, naizvozvo dzave kutya kubvumidza vanhu veku America kuti vapinde munyika dzavo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari nyanzvi munyaya dzehutano, Doctor Rhoderick Machekano, vanoti nyaya iyi haisi yezve coronavirus bedzi, asi kuti ine zvematongerwo enyika mukati.

Doctor Machekano vanoti kubva paita VaTrump mutungamiri wenyika, America yakatanga kurasikirwa nemadzisahwira akawanda, naizvozvo nyika idzi hadzioni zvichibatsira kumira pamwe chete neAmerica panguva iyo nyika dzose dzichifanirwa kushanda pamwe chete mukurwisa denda iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Rhoderick Machekano