Hurumende yeAmerica Inopomera Yale University Mhosva yeRusarura

Vadzidzi vepachikoro che Yale University, New Haven, Connecticut.

Bazi rinoona nezvemitemo muAmerica, reDepartment of Justice (DOJ), rinoti ongororo yarakaita inoratidza kuti chikoro chepamusoro, cheYale University, chinoita rusarura mukutambira kwacho vadzidzi.

DOJ inoti Yale University inonyima nzvimbo dzechikoro vamwe vadzidzi vechichena vemuAmerica nevamwe vadzidzi vemu America vari vechirudzi cheku Asia.

DOJ inoti ongororo yayo yakatora makore maviri.

Gore rapfuura, dare redzimhosva rakawana chimwe chikoro chepamusoro, Harvard University, chisina mhosva yerusarura mushure mekunge DOJ yaiendesa kumatare edzimhosva nenyaya yerusarura, ichiti vamwe vadzidzi vechichena nevechi Asia vemuAmerica vakange vachishaiswa nzvimbo pachikoro ichi kuchitorwa vemamwe marudzi.

Vanodzidzisa paDeVry University, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti DOJ iri kutambisa nguva sezvo zvikoro zvepamusoro zvizhinji zvichiita izvi.

Vanoti zvikoro zvepamusoro zvinoita izvi senzira yekuti vadzidzi vavo vazive pamusoro pevanhu nezvenyika dzakasiyanasiyana, kwete zverusarura.

Yale University yakaramba mashoko aya ichiti haina kupiwa nguva yakakwana yekupa DOJ ruzivo rwese pamusoro pemashandiro anoita chikoro ichi kana chichisarudza vadzidzi.

Yale inoti haisi kuzochinja maitiro ayo pamusoro pezvainoti mashoko asina chokwadi uye asina maturo anobva kuDOJ.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha