VaJoe Biden Vanobaiwa Nhomba yeKudzivira Chirwere cheCovid-19

VaJoe Biden vachibaiwa nhomba yeCoronavirus

Vachangosarudzwa kuve mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakabaiwa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 nemusi weMuvhuro pamberi pevatori venhau.

VaBiden vanoti vakada kubuda pachena kubaiwa senzira yekuratidza ruzhinji rwevanhu kuti mushonga uyu hauna njodzi yaunokonzera uye kuti unobatsira.

Apo VaBiden vaibaiwa nhomba, mutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris, vaishanyira dunhu reGeorgia kunobatsira nhengo dzebato ravo mbiri dziri kukwikwidzira kupinda mudare reSenate.

Sarudzo idzi zdiri kuitwa muna Ndira.

VaBiden naAmai Harris vanoda nhengo mbiri idzi kuti dzikunde kuitira kuti dzigobatsira nemavhoti pamabhiri ezvirongwa zvavo zvinofanirwa kutambirwa nedare reSenate.

Amai Harris nemurume wavo vachabaiwavo nhomba kupera kwesvondo rino.

Chizvarwa cheZimbabwe chinogara mudunhu reOklahoma, muno muAmerica, VaTafadzwa Munjanja, vanoti VaBiden vari kusarudza makurukota ane ruzivo, vachiti zvekare sarudzo yeku Georgia isarudzo hombe inofanirwa kukundwa nebato raVaBiden kuitira kuti vagozotonga zvakanaka.

VaMunjanja vanoti vanhu vanotsigira mapato eDemocratic Party neRepublic Party mudunhu reGeorgia vari kuvhota nehuwandu musarudzo iyi zvikuru sei vakatarisa zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika sezvo mapato maviri aya achida kuva nevamiriri vakawanda mudare Senate.

Bato reDemocrativ Party rinoda kuti rive nenhengo makumi mashanu mudare reSenate kuitira kuti rikwanise kuzadzisa zvinangwa zvaVaBiden zvinoda kutsigirwa nemitemo.

Kana mudare iri mukaita mangange, Amai Harris vanobvumidzwa kuvhota zviri pamutemo semutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Munjanja