VaTrump Voramba Kubatsira VaBiden Kuronga Hutongi Hutsva

VaJoe Biden

Kutambidzanwa kwemasimba mu America hakusi kufamba sezvinotarisirwa nguva dzose panobva umwe mutongi umwe achipinda.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, avo vari kunzi vakakundwa musarudzo yemurungamiri wenyika svondo rapfuura, vachiri kuramba kushanda naVaJoe Biden mukutambidzana masimba nenzira yakanaka.

VaBiden ndivo vakadomwa nesangano ose enhau kuti vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Chikwata chezvipangamazano zvaVaBiden chakazivisa neChipiri mazita evanhu vazhinji vari kushanda mukugadzirira hutongi hwaVaBiden, avo vachagadzwa hutungamiri musi wa 20 Ndira gore rinouya.

VaTrump nemakurukota avo vari kuramba kushanda naVaBiden mukuchinjana hutongi vachiti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka uye vakabiridzirwa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti izvi zvinoenderana nemaitiro aVaTrump ekusada kubvuma pese pavanenge vakundwa kana kutadza.

Muzvinafundo Chipo Dendere vanoti mamwe makurukota aVaTrump aramba kudomwa nemazita audza bepanhau reWashington Post kuti kunyangwe hawo achiona kuti VaTrump vakakundwa uye kuti kuendesa nyaya iyi kumatare edzimhosva hakuna kwazvichaunza, ari kumboregera VaTrump vachiita zvavanoda kusvika kunyunyuta kwavo kwapera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Chipo Dendere