Paramende yeAmerica Inovhotera Kuti Hurumende Ibatsire Vanhu ne $2000 Panguva Ino YeCoronavirus

VaDonald Trump

Nezuro, Paramende ye America yakavhotera bhiri rekuti umwe noumwe anokodzero muAmerica apiwe zviuru zviviri zvemadhora ($2000) zvekuvabatsira panguva ino ye coronavirus.

Pamazuva eku kurukurwa kwe bhiri iri, mutungamiri we America, VaDonald Trump, vaibvumirana nevebato ravo kuti vanhu vapiwe mazana matanhatu emadhora ($600) asi vakazochinja pave payepaye vave kuti vanhu vapiwe zviuru zviviri zvemadhora, izvo zvisingatsigirwi nebato ravo.

Kunyange hazvo VaTrump vakazosaina bhiri rinopa vanhu mazana matanhatu emadhora, vebato reDemocratic Party vakapinza nyaya iyi mu paramende kuti ivhoterwe.

Paramende yakavhotera kuti vanhu vapiwe zviuru zviviri zvemadhora kunyange hazvo bato re Republican Party risingade chirongwa ichi.

Bhiri iri rave kuenda kuparamende yepamusoro, kana kuti Senate, kuti rinovhoterwa kuve mutemo asi masineta eRepublic Party vanogona kuramba bhiri iri sezvo vakawanda kupfuura veDemoctratic Party.

Vanodzidzisa zvemabhizimisi paDevry University, Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti chinovashamisa ndechekuti, panyaya iyi, VaTrump vari kuwirirana nebato reDemocratic Party, kwete nebato ravo re Republican Party.

Ngatinzwei Muzvinafundo Masocha vachitsanangura zviri kuitika apa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha