Nyanzvi Dzozeya reMangwana raVaTrump

VaDonald Trump

Vaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vakachenurwa nemusi weMugovera nedare reSenate iro rakavawana vasina mhosva yavakanga vachipomerwa.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzemitemo nezvematongerwo enyka dzinoti kuchenurwa kwaVaTrump uku kunovapa mukana wekukwikwidza zvekare mugore ra 2024, ndokana bato ravo ravatambira pamusangano mukuru weRepublican Party unotambira zviri pamutemo munhu anomirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika.

Asi imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaSilas Chekera, vanoti sekutaura kwakaitwa nemukuru weRepublican Party mudare reSenate, VaMitch McConnell, vachiti VaTrump vakapara mhosva, kunyange havo vasina kuvhota vachiroverera VaTrump nemhosva, VaTrump vanogona kuendeswa kumatare edzimhosva kwavanogona kutongwa vachiwanikwa vaine mhosva.

VaChekera vanoti pane dzimwe mhuri dzichadavo kuendesa VaTrump kumatare edzimhosva pamusoro pemhirizhonga iyi.

VaChekera vanoti pari zvino, magweta makuru emumatunhu eNew Yourk neGeorgia ari kutarisisa mhosva dzinonzi dzakaparwa naVaTrump izvo zvinogona kuvhiringa mukana yaVaTrump yekukwikwidza zvekare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSilas Chekera