Mhando yeCovid-19 Yakatanga kuSouth Africa Yasvika muSouth Carolina

President Joe Biden

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, nezuro, musi weChina, vakasaina gwaro remutemo unobatsira vanhu vanenge varwara, weAffordable Care Act, uyo wakange wamiswa nevaimbove mutungamiri we America, VaDonald Trump.

Mutemo uyu uchapa vanhu rutsigiro, kana kuti ishuwarenzi mune zvehutano, pavanenge vachida kurapwa.

VaBiden vakaita izvi panguva iyo vazhinji mu America varasikirwa nemabasa avo, izvo zviri kukonzera kuti varasikirwe n inshuwarenzi yezvehutano nepamusoro pechirwere cheCovid-19, icho chakonzera kuvharwa kwemakambani mazhinji uye kupera kwemamiriyoni nemamiriyoni emabasa.

Musi wekare, vakuru vezvehutano mudunhu reSouth Carolina vakazivisa kuti vawana munhu ane Covid-19 yemhando yekuSouth Africa.

Mhando yeCovid-19 ye kuSouth Africa iyi inotyiwa zvikuru mukuti inoparadzira zviri nyore.

Nyanzvi mune zvehutano, Dr Simbiso Ranga, vanoti mhando dzose dzeCovid-19 dzinozivikanwa, dzekuSouth Africa, United Kingdom neBrazil, dzasvika muAmerica.

Vanoti izvi zvinotyisa zvikuru sezvo America ichiri kutambudzika neCovid-19 yekutanga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Simbiso Ranga