America Inotemera Zvirango Vasori Vana vekuIran

VaAntony Blinken

America yatemera zvirango panhengo dzevasori vehurumende yeIran zvichitevera kupomerwa mhosva kwadzakaitwa negweta rekuchamhembe kwedunhu reNew York, iro rakati vasori vana ava vakaedza kubvuta mugari weAmerica kuti vamuendese zvechisima kuIran.

Munhu wavakaedza kubvuta ndiMasih Alinejad, mutori wenhau akazvarirwa kuIran asi ave mugari wemuAmerica.Alinejad murwiri wekodzero dzavanhu, anoshora zvikuru hurumende yeIran uye anechirongwa chaanokokera panhepfenyuro yeVoice of America.

Gurukota reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaAntony Blinken, vanoti zvakaedza kuitwa nevasori vekuIran ava zvinotyora mitemo yepasi pose yekudyidzana kwenyika, vachiti America inoona kuti Iran inoda kushungurudza zvimwe zvizvarwa zveAmerica, kusanganisa vashandi vehurumende neavo vaimboshandira hurumende yeAmerica.

Vasori vana vakatemerwa zvirango ava vakuruvakuru mubazi revasori muIran, vanosanganisa Alireza Shahvaroghi Farahani, uyo anotungamira bazi revasori rine vamwe vasori vatatu vatemerwavo zvirango neAmerica, vanoti Mahmoud Khazein, Kiya Sadeghi, naOmid Noor.

VaBlinken vanoti chikwata chevasori ichi hachina kutumwa kuzobvuta mutori wenhau uyu chete, asi zvizvarwa zveIran zvisingawirirani neIran zvinogara muUnited Kingdom, Canada, nekuUnited Arab Emirates.

Vasori vana ava vanonzi vanoita basa sekutumwa kwavanenge vaitwa nebazi rehurumende yeIran rinoona nezveruzivo nekuchengetedzwa kweIran, kana kuti Ministry of Intelligence and Security (MOIS), iro rinonyanya kutyiwa nevanhu muIran. Bazi reMOIS rakatemerwavo zvirango neAmerica.

Bazi reAmerica rinoona nezvemari, reUnited States Treasury Department, rinoti MOIS inoitira hurumende yeIran basa guru mukutyora kodzero dzevanhu veIran, richitizve kudzvanyirirwa kwezvizvarwa zveIran zviri muIran nekunze kwenyika, kwakaita sekuEurope nekune dzimwe nyika, kuri kuitwa neMOIS.

Kutemerwa zvirango kwaitwa vasori vana ava kunorevavo kuti zvose zvavanazvo muAmerica hazvisisiri mumaoko mavo uye hapana munhu ari muAmerica anobvumidzwa kuita zvemabhizimisi navo uye mabhanga nemamwe makambani anoitabasa rezvemari vachatemerwavo zvirango kana vakafambisa mari yevasori vana ava.

VaBlinken vanoti America haizoregi vatori venhau vachityisidzirwa kana kunyaradzwa, vachiti America ichaona kuti vanoita izvi vanosungiswa.

VaBlinken vanoti America haidi kuona kurwiswa kwezvizvarwa zveAmerica muAmerica kana kunze kweAmerica.

Your browser doesn’t support HTML5

Editorial: US imposes Sanctions on Four Iranian Spies