VaMerrick Garland Vanotambirwa neDare reSenate Kuva Muchuchisi Mukuru weAmerica

VaMerrick Garland

Dare re Senate muAmerica rakatambira nezuro VaMerrick Garland kuti muchuchisi mukuru wenyika, kana kuti Attorney General, muhurumende yaVaJoe Biden.

Nhengo dzedare iri makumi manomwe dzakavhota dzichitsigira VaGarland, ukuwo nhengo makumi matatu dzikavhota dzichipikisa.

VaGarland, avo vanga vari mutongi wedare repamusoro, vakambodomwa nevaimbova mutungamiri weAmerica, VaBarrack Obama, kuti vave mutongi wedare repamusoro soro, reSupreme Court, asi maseneta ebato reRepublican Party akaramba kuvatsigira.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaKennedy Masiye, avo vanogara mudunhu reTexas, muAmerica, vanoti vanofara zvikuru sezvo VaGarland vari kuuya neruzivo rwakawanda kubasa ravo idzva.

VaMasiye vanoti zvematongerwo enyika zvanga zvapinda zvakanyanya munyaya dzezvemitemo muAmerica zvinove zvinhu zvakagara zvisingafarirwi naVaGarland.

VaMasiye vanoti vanotarisira kuti VaGarland vachaita kuti bazi rezvemitemo, reDepartment of Justice, riite basa raro pasina zvematongerwo enyika mukati.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKennedy Masiye