VaBiden Voenderera Mberi Vachishandura Zvakasiya Zvaitwa naVaTrump

President Joe Biden

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakazivisa zviri pamutemo zviri mubhiri ravo rekuvandudza mitemo inobata kupinda nekugara muAmerica kwevanhu vanobva kune dzimwe nyika.

Bhiri iri rikatambirwa kuva mutemo, rinopa mukana kumamiriyoni gumi rerimwe evanhu vari muAmerica zvisiri pamutemo, kusanganisira vana vavo vakapinda muAmerica vari vadiki.

Bhiri iri riri kutsigirwa nemari inoita mabhiriyoni mana emadhora achashandiswa mukati memakore mana mukurwisa huori, kusimbaradza kuchengetedzwa nekubudirira kwevabvakure munzvimbo dzavanogara.

Bhiri iri rine hurongwa hwekuvaka nzvimbo mudunhu reCentral America yekumisa vabvakure vanoda kuenda kumuganhu weAmerica neMexico nechinangwa chekupinda muAmerica zvisiri pamutemo.

Gweta rezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika, VaEmmanuel Ncube-Socks, vanoti nyaya dzinobata vabvakure dzasvika pakaoma muAmerica nekuti dzave kutorwa senyaya dzerusarura ganda.

VaSocks vanoti VaBiden vari kuda kugadzirisa zvinhu zvakawanda zvavanoti zvakasiya zvakanganiswa nevanga vari mutungamiri weAmerica kwemakore mana apfuura, VaDonald Trump, asi VaBiden vachiti vachashandisa paramende, kwete zvekushandisa masimba avo semutungamiri wenyika, kana kuti Executive Order, sezvaigara zvakaitwa naVaTrump panyaya dzakadai.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaEmmanuel Ncube Socks