Vana Vari Kusvika paMuganhu weAmerica neMexico Vari Kuwanda Zuva neZuva

Vana vadiki varikuedza kupinda muAmerica vari vega vari kuwanda zuva nezuva

Huwandu hwevana vasina vabereki vanovaperekedza huri kuramba huchikwira pamuganhu we America neMexico.

Hurumende inoti huwandu hwevana ava hwapeta nekaviri pahuwandu hwakaonekwa muna 2019, mazuva aVaDonald Trump vari mutungamiri we America.

Svondo rapera rega, vana vanoita zviuru zvishanu nemazana manomwe nemakumi matanhatu nevanomwe (5,767) vakabatwa vachida kupinda mu America uye vakachengetedzwa nemapurisa anochengetedza miganhu wenyika.

Asi pane mutauro zvekare pamusoro pekuti vana ava vanochengetwa munzvimbo yakagadzirirwa vanhu vashoma uye wekuti vanochengetwa panzvimbo iyi kwenguva inopfuura zvinorehwa nemutemo.

Mabatiro ari kuitwa nyaya yevabvakure nehurumende yaVaJoe Biden ari kushorwa zvikuru nevanhu muAmerica.

Ongororo yakabudiswa nezuro, Chipiri, inoratidza kuti vanhu zvikamu makumi mana nezviviri kubva muzana (42%) ndivo chete vanorumbidza VaBiden pamabatiro avari kuita nyaya vevana ava pabhodha.

Gweta rezvekupinda nekubuda munyika, VaEmmanuel Ncube Socks, vanoti mitemo ye immigration haisi nyore kuchinja, vachiti pari zvino, VaBiden vari kungoita zvimwe chetezvo zvaiitwa naVaTrump asi kuti vanozviita nenzira yakasiyana pane yaishandiswa naVaTrump.

VaNcube Socks vanoti VaBiden vari kuita hurukuro nevatungamiri venyika dzekuchamhembe kweAmerica pamusoro pekumisa vanhu vari kubva kunyika idzi vachiuya kuAmerica.