Paramende yeAmerica Inobvisa Amai Greene Mumakomiti Avanga Vari

U.S. Representative Marjorie Taylor Greene (R-GA)

Dare re House of Representatives, rabvisa nhasi Amai Marjorie Taylor Greene, mumakomiti edare maviri avenge vari senzira yekuvarwadzisa zvichitevera danho ravo rekutsigira pfungwa dzinoshambadza ruvengo, kukurudzira mhirizhonga, kuurayisa vamwe nezvimwe zvinhu zvinopatsanurisa zvizvarwa zveAmerica.

Amai Green, avo vanove nhengo yebato reRepublican Party, vabviswa mumakomiti aya mushure mekunge nhengo dzeDemocratic Party mazana maviri negumi nepfumbamwe, dzawana rutsigiro rwenhengo dzeRepublican Party gumi neimwe, izvo zvapa kuti pave nemavhoti mazana maviri nemakumi matatu, 230, ekubvisa Amai Greene.

Asi dzimwe nhengo dzeRepublican Party dzakwikwidzawo zvine mutsindo dzichiti Amai Greene vasabviswe mumakomiti aya. Nhengo dzebato iri zana nemakumi mapfumbamwe nepfumbamwe, 199, dzanga dzichitsigira Amai Greene.

Amai Greene, avo vanomirira dunhu reGeorgia, munhu anga achitsigira pfungwa dzinoburitswa padandemutande nevanhu vanozviti QAnon vachiburitsa mashoko anopikisa chokwadi chakaita sekuramba kutambira kurwiswa kweAmerica muna Gunyana 2001, kuramba kutambira kuurayiwa kwevana vechikoro kwakaitika paSandy Hook, Marjory Stoneman Douglas high school nezvimwe.

Amai Greene vanga vari mumakomiti edzidzo nemabasa pamwe neyemashandisirwo emari dzehurumende.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Doctor Rhoderick Machekano, vanoti kunyange havo vachitsigirwa nevaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, Amai Greene vari kukonzera kusawirirana mubato ravo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Rhoderick Machekano