America Inoti Kodzero dzeMadzimai Musimboti weKudyidzana Kwayo neDzimwe Nyika

  • Blessing Zulu

Gurukota reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaAntony Blinken

Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica panyaya yekuremekedza madzimai anoratidza hushingi mukurwira kodzero dzevanhu.

Gore rino madzimai makumi maviri nemumwe vakapihwa mubayiro wehushingi mumabasa avo nekurwira kodzero dzevanhu kana kuti International Women of Courage Awards.

Pamadzimai aya, pane manomwe kubva kunyika yeAfghanistan. Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaAntony Blinken vakabatana nemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Jill Biden.

VaBlinken vanoti kwemakore gumi nemashanu adarika bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika reState Department range richipa mubayiro weInternational Women of Courage kumadzimai pasi rose vanoratidza hushingi nehutungamiri vachirwira runyararo, kodzero dzevanhu uye kuwanisa mukana wakaenzana kumadzimai nevanhurume.

Mumwe mudzimai akapihwa mubayiro ndiAmai Maria Kalesnikva vekuBelarus avo vakabatana nevamwe kupikisa hutongi hwaVaAleksandr Lukashenka avo vatonga nyika iyi kwemakore makumi maviri nematanhatu kunyangwe vaisungwa pakapera sarudzo dzinonzi nevanopikisa dzakabirirwa zvemhando yepamusoro.

Mumwe akapihwa mubayiro ndiAmai Phyoe Phyoe Aung vekuBurma. Sangano ravo reThe Wings Institute rinopa vechidiki kubva kumarudzi nezvitendero zvakasiyana siyana mikana yekushanyirana senzira yekuunza runyararo nekubatana munyika iyi.

Amai Maximilenne Ngo Mbe vekuCameroon avo vanorwira kodzero dzevanhu mukuyedza kuunza runyararo munyika iyi ine kurwisana pakati pehurumende nevakaipandukira. Vamwe vakawana mubayiro ndi Amai Wang Yu vekuChina avo vanorwirawo kodzero dzevanhu.

Kubva kuDRC Amai Julienne Lusenge vanozivikanwa zvikuru nekurwira kodzero dzevanhu kunyangwe zvichipinza hupenyu hwavo munjodzi.

Vamwe vakapihwa mubayiro uyu vanosanganisira Amai Mayerlis Angarita veku Colombia, Mutongi Judge Erika Aifan vekuGuatemala, Amai Shohreh Bayat vekuIran, Amai Muskan Khatun veku Nepal, Amai Zahra Mahamed Ahmad veku Somalia, Sister Alicia Vacas Moro vekuSpain, Amai Ranitha Ghanarajah veku Sri Lanka, Amai Canan Gulllu veku Turkey, uye Amai Ana Rosario Contreras veku Venezuela.

VaBlinken vanoti madzimai nevanasikana ndivo vanowanzosangana nematambudziko ekutyorerwa kodzero dzavo.

Vanoti nekuda kwekuti madzimai nevanasikana varimunjodzi yakakura, ndokusaka hurumende yemuAmerica ichikoshesa kuremekedzwa kwekodzero dzavo munyaya yekudyidzana nedzimwe nyika.

Vachitaura nevakawana mibayiro ava, VaBlinken vakati vari kubatsira kuti pasi rose rive nerunyararo uye kuva nekugadzikana. Vanoti America inotsidza kushanda nekutsigira madzimai aya.

Mashoko aya anotaura pamire hurumende yeAmerica panyaya yemadzimai ari kurwira kodzero dzevanhu pasi rose. Maaverengerwa neni Blessing Zulu weStudio 7.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko Anotaura Pamire Hurumende yeAmerica